Ekisodho 19:16-25
Ekisodho 19:16-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva yamangwanani yezuva rechitatu pakava nokutinhira uye nemheni, negore gobvu rakafukidza gomo, uye kurira kukuru kwehwamanda. Munhu wose aiva mumisasa akadedera. Ipapo Mozisi akatungamirira vanhu vachibuda mumisasa kuti vandosangana naMwari, uye vakandomira mujinga megomo. Gomo reSinai rakanga rakafukidzwa noutsi, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakapfungaira huchikwira kumusoro soutsi hwakanga huchibva pavira romoto, gomo rose rakazungunuka nesimba guru, uye inzwi rehwamanda rakanyanya kurira nokurira kukuru. Ipapo Mozisi akataura uye inzwi raMwari rikamupindura. Jehovha akaburukira pamusoro peGomo reSinai uye akadana Mozisi kuti auye pamusoro pegomo. Saka Mozisi akakwirako uye Jehovha akati kwaari, “Buruka unoyambira vanhu kuti varege kumanikidzira kupinda kuti vandoona Jehovha vazhinji vavo vakazofa. Kunyange vaprista, vanoswedera kuna Jehovha, vanofanira kuzvinatsa, kuti Jehovha arege kuvaparadza.” Mozisi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangakwiri muGomo reSinai, nokuti imi pachenyu makatiyambira mukati, ‘Isai miganhu yakapoteredza gomo uye muritsaure kuti rive dzvene.’ ” Jehovha akapindura akati, “Buruka undotora Aroni ukwire naye kuno. Asi vaprista navanhu havafaniri kumanikidzira kusvika kuno kuna Jehovha, nokuti angavaparadza.” Saka Mozisi akaburuka akaenda kuvanhu akandovaudza.
Ekisodho 19:16-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nezuva retatu kwoedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nezwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera. Zvino Mosesi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo. Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo. Zvino izwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mosesi akataura, Mwari akamupindura nezwi. Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo, Mosesi akakwira. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa. Navapristi vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza.” Mosesi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, ‘Tarira miganhu pagomo muritsaure.’ ” Jehovha akati kwaari, “Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.” Ipapo Mosesi akaburukira kuvanhu, akandovaudza.
Ekisodho 19:16-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva retatu, mangwanani, mugomo makafumonzwikwa kutinhira nemheni, pagomo pakava negore rakati kwirindindi, kwakanzwikwawo kurira kukuru kwehwamanda, vanhu vose vakadedera nokutya mumatendhe. Mosesi akabva navanhu kumatendhe akauya navo kuzosangana naMwari, vanhu vakasvikomira mujinga megomo. Gomo rose reSinai rakati gude gude kufukidzwa noutsi, nokuti Tenzi akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakati togo-o sokunge huri kubva muvira romoto. Gomo rose rakandengendeka zvikuru. Kuzoti ruzha rwehwamanda rwanyanya kuramba ruchikura, Mosesi akataura. Tenzi akamupindura nezwi raiita zvokutinhira. Ipapo Tenzi akaburukira pamusoro peGomo reSinai, akadaidzira kuna Mosesi kuti akwire pamusoro pegomo, Mosesi ndokukwira. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Buruka undoyambira vanhu kuti varege kudarika muganho vachida kundiona nokuti vakangodaro vazhinji pakati pavo vangafe. Kunyangewo vapristi vanouya pedyo neni Tenzi vanofanira kunge vatozvinatsawo. Kana vakarega kudaro iyeni Tenzi ndinovaparadza.” Mosesi akapindura Tenzi achiti, “Vanhu havangagoni kukwira mugomo muno reSinai nokuti imi pachenyu makatiti tiripoteredze nomuganho, tirierese.” Tenzi akamuti, “Chiburuka undouya naAroni. Vapristi navanhu ngavarege kudarika muganho, kana kukwira kuno kwandiri. Kana vakadaro ndichavaparadza.” Mosesi akaburuka akandoudza vanhu izvozvo.
Ekisodho 19:16-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nezuʋa retatu kwoedza kutinhira kukaʋa’po pamsoro pegomo, nemheni, negore ɗema, nenzwi rehwamanda rinesimba guru; ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari pamisasa ʋakaɗeɗera. Ɀino Mosesi akaʋudza ʋanhu kuti ʋaɓuɗe pamisasa ʋasoŋgane naMŋari, ʋamire pajiŋga regomo. Gomo rose reSinai rakaŋga ricipfuŋgaira, nokuti Jehova wakaŋga aɓurukira pamsoro paro mumŋoto; ʋutsi bgaro ʋukakwira soʋutsi bgeʋira; gomo rose rikazunuŋguka kwaɀo. Ɀino inzwi rehwamanda rakati ricirira nokurira kwaɀo, Mosesi akataura, Mŋari akamupindura nenzwi. Ipapo Jehova akaɓurukira pamsoro pegomo reSinai, Jehova akaɗana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo, Mosesi akakwira Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ƃuruka, undoraira ʋanhu kuti ʋarege kupaza kunaJehova kundotarira, kuti ʋazhinji ʋaʋo ʋarege kufa. Naʋaprista ʋanosweɗera kunaJehova, ŋgaʋaɀitsaure, kuti Jehova arege kuʋaparadza. Mosesi akati kunaJehova: Ʋanhu haʋaŋgagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muciti: Tarai miganhu pagomo, muritsaure. Jehova akati kwaari: Enda uɓuruke, mukwire ɀe, iwe naAroni, anewe; asi ʋaprista naʋanhu ŋgaʋarege kupaza kunaJehova, kuti arege kuʋaparadza. Ipapo Mosesi akaɓurukira kuʋanhu, akandoʋaʋudza.
Ekisodho 19:16-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)