Ekisodho 17:8-13
Ekisodho 17:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaAmareki vakauya vakarwa navaIsraeri paRefidhimu. Mozisi akati kuna Joshua, “Sarudza vamwe varume vokwedu ugobuda kundorwa navaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndine tsvimbo yaMwari mumaoko angu.” Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paaingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda. Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwana. Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo.
Ekisodho 17:8-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Amareki akauya kuzorwa navaIsiraeri paRefidhimu. Mosesi akati kuna Joshua, “Utitsaurire varume, ugondorwa naAmareki; mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu.” Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. Zvino zvakati kana Mosesi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda. Asi maoko aMosesi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva. Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza.
Ekisodho 17:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaAmareki vakauya vakarwisa vaIsiraeri paRefidhimu. Mosesi akati kuna Joshuwa, “Tisarudzire varume mundorwisa vaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndakabata tsvimbo yaTenzi muruoko.” Joshuwa akaita zvaakanga audzwa naMosesi, akandorwisa vaAmareki. Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. Zvaiitika ndezvokuti painge Mosesi akasimudza maoko ake mudenga, vaIsiraeri vaibva vava kukunda; asi paingewo Mosesi adzorera maoko ake pasi, vaAmareki vaibvawo vava kukunda. Mosesi akazoneta akatadza kuramba akasimudza maoko ake. Aroni naHuri vakakungurutsa ibwe rokuti Mosesi agare, Mosesi akagara pabwe. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakati mumwe uku mumwe uku, vakaasimudzira mudenga. Maoko ake akanga akatsigirwa kusvikira zuva radoka. Naizvozvo Joshuwa akakatakazha nebakatwa vaAmareki navarwi vavo.
Ekisodho 17:8-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Amareki wakaʋuya kuzorwa naʋaIsraeri paRefidimi. Mosesi akati kunaJoshua: Utitsaurire ʋarume, ugondorwa naAmareki; maŋgwana ini ndicamira pamsoro pecikomo, ndakaɓata tȿimbo yaMŋari muruʋoko rwaŋgu. Joshua akaita seɀaakaŋga aʋudzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri ʋakakwira pamsoro pecikomo. Ɀino ɀakati kana Mosesi osimudza ruʋoko rwake, ʋaIsraeri ʋokunda, kana oregera ruʋoko rwake pasi, Amareki wokunda. Asi maʋoko aMosesi akazoneta, ɀino ʋakatora ibge, ʋakariisa pasi pake, akagara pamsoro paro, Aroni naHuri ʋakatsigira maʋoko ake, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi; maʋoko ake akaʋa nesimba kuȿikira pakuʋira kwezuʋa. Joshua akakunda Amareki naʋanhu ʋake neminondo inopinza.
Ekisodho 17:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)