Ekisodho 17:10-14
Ekisodho 17:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paaingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda. Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwana. Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chicharangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.”
Ekisodho 17:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. Zvino zvakati kana Mosesi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda. Asi maoko aMosesi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva. Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Nyora izvi mubhuku, vazvirangarire, uzvirondedzerewo munzeve dzaJoshua, kuti ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki.”
Ekisodho 17:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa akaita zvaakanga audzwa naMosesi, akandorwisa vaAmareki. Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. Zvaiitika ndezvokuti painge Mosesi akasimudza maoko ake mudenga, vaIsiraeri vaibva vava kukunda; asi paingewo Mosesi adzorera maoko ake pasi, vaAmareki vaibvawo vava kukunda. Mosesi akazoneta akatadza kuramba akasimudza maoko ake. Aroni naHuri vakakungurutsa ibwe rokuti Mosesi agare, Mosesi akagara pabwe. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakati mumwe uku mumwe uku, vakaasimudzira mudenga. Maoko ake akanga akatsigirwa kusvikira zuva radoka. Naizvozvo Joshuwa akakatakazha nebakatwa vaAmareki navarwi vavo. Tenzi akati kuna Mosesi, “Nyora nyaya yehondo yarwiwa pano mubhuku kuitira kuti zvizorangarirwa. Taurira Joshuwa izvi azvinzwe nenzeve dzake kuti ndichaparadza vaAmareki zvachose zvokutsakatisa zita ravo panyika.”
Ekisodho 17:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Joshua akaita seɀaakaŋga aʋudzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri ʋakakwira pamsoro pecikomo. Ɀino ɀakati kana Mosesi osimudza ruʋoko rwake, ʋaIsraeri ʋokunda, kana oregera ruʋoko rwake pasi, Amareki wokunda. Asi maʋoko aMosesi akazoneta, ɀino ʋakatora ibge, ʋakariisa pasi pake, akagara pamsoro paro, Aroni naHuri ʋakatsigira maʋoko ake, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi; maʋoko ake akaʋa nesimba kuȿikira pakuʋira kwezuʋa. Joshua akakunda Amareki naʋanhu ʋake neminondo inopinza. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Nyora iɀi mubuku, ʋaɀiraŋgarire, uɀirondedzere ʋo munzeʋe dzaJoshua, kuti ini ndicabvisa cose pasi pokuɗeŋga ɀose ɀinoraŋgaridza Amareki.
Ekisodho 17:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)