Ekisodho 17:1-3
Ekisodho 17:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paRenje reSini, vachifamba nzvimbo nenzvimbo sokurayira kwaJehovha. Vakadzika musasa paRefidhimu, asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Saka vanhu vakakakavadzana naMozisi uye vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mozisi akapindura akati, “Seiko muchikakavadzana neni? Seiko muchiedza Jehovha?” Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, saka vakapopotedzana naMozisi. Vakati, “Seiko wakatibudisa muIjipiti kuti isu navana vedu nezvipfuwo zvedu tife nenyota?”
Ekisodho 17:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu. Vanhu vakarwa naMosesi, vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mosesi akati kwavari, “Munorwireiko neni? Munoedzereiko Jehovha?” Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?”
Ekisodho 17:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo rwaro kubva muRenje reSini vakafamba vachiti apa garei vosimudzira, apa garei vosimudzira sezvainge zvataurwa naTenzi. Vakazondodzika matendhe avo paRefidhimu. Asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Vanhu ndokubva vapopotera Mosesi vachiti, “Tipe mvura yokunwa!” Mosesi akati, “Nemhosva yeiko imi muchindipopotera? Ko munoedzereiko Tenzi muchidaro?” Vanhu vose vakanzwa nenyota yemvura, vakapopotera Mosesi vachiti, “Makatibvisirei kuIjipiti? Heya makatibvisira kuzotiurayisa zvenyu nenyota nhai? Saka munoda kutiurayisa nenyota isu navana vedu nezvipfuwo zvedu nhai?”
Ekisodho 17:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva murenje reSini, ʋakafamba ʋaciita nzendonzendo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakaʋaka misasa yaʋo paRefidimi; ɀino ipapo pakaŋga pasinemvura iŋganwiwa naʋanhu. Ʋanhu ʋakarwa naMosesi, ʋakati: Tipe mvura tinwe. Mosesi akati kwaʋari: Munorwireiko neni? Munoidzireiko Jehova? Ʋanhu ɀino ʋakaŋga ʋanenyota yemvura ipapo, ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Watiɓuɗisireiko Egipita, kuti utiʋuraye nenyota, isu naʋana ʋeɗu, neɀipfuwo ɀeɗu?
Ekisodho 17:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)