Ekisodho 15:19
Ekisodho 15:19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 15Ekisodho 15:19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 15Ekisodho 15:19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngoro dzehondo dzaFarao dzamabhiza navachairi vadzo padzakapinda mugungwa, Tenzi akavati fuse fuse nemvura, asi vaIsiraeri vakayambuka vachitsika zvavo pasi pakaoma.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 15Ekisodho 15:19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti mabiza aFarao akapinda muguŋgwa pamŋe cete neŋgoro dzake, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, Jehova akadzosera mvura yeguŋgwa pamsoro paʋo; asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 15