Ekisodho 15:1-19
Ekisodho 15:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi navaIsraeri vakaimba rwiyo urwu kuna Jehovha: “Ndichaimbira Jehovha, nokuti iye anokudzwa zvikurukuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa. “Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye ava ruponeso rwangu. Ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza, Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza. Jehovha imhare; Jehovha ndiro zita rake. Ngoro dzaFaro nehondo yake akazvikanda mugungwa. Machinda aFaro akanakisisa akanyudzwa muGungwa Dzvuku. Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura kwakadzika sedombo. “Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakakudzwa nesimba. Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakaparadza muvengi. “Muukuru hwoumambo hwenyu makakanda pasi vaya vaikupikisai. Makasunungura kutsamwa kwenyu kunopisa, kukavapisa sehundi. Nokufema kwemhino dzenyu mvura zhinji yakaita murwi. Mvura yamasaisai yakamira yakasimba semadziro; mvura yakadzika yakaungana mukati megungwa. “Muvengi akazvikudza achiti, ‘Ndichavatevera, ndichavabata. Ndichagova zvakapambwa; ndichazvimbirwa navo. Ndichavhomora munondo wangu uye ruoko rwangu ruchavaparadza.’ Asi makafuridza nokufema kwenyu, gungwa rikavafukidza. Vakanyura somutobvu mukati memvura ine simba. “Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha? Ndiani akaita semi, paumambo noutsvene, mukubwinya kunotyisa, anoita zvishamiso? Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza. “Murudo rwenyu rusingaperi muchatungamirira vanhu vamakadzikinura. Musimba renyu imi muchavatungamirira kuugaro hwenyu hutsvene. Ndudzi dzichazvinzwa uye dzichadedera; kurwadziwa kuchabata vanhu vokuFiristia. Madzishe eEdhomu achavhundutswa, vatungamiri veMoabhu vachabatwa nokudedera, vanhu veKenani vachanyunguduka; kutya nokuvhunduka zvichavawira. Nesimba roruoko rwenyu vachanyarara kunge dombo, kusvikira vanhu venyu vapfuura, imi Jehovha, kusvikira vanhu vamakatenga vapfuura. Muchaenda navomo uye mugovasima pagomo renhaka yenyu, nzvimbo tsvene yakasimbiswa namaoko enyu, imi Jehovha. “Jehovha achatonga nokusingaperi-peri.” Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma.

Ekisodho 15:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti, “Ndichaimbira Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa. Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye akava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, ndichamukudza. Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake. Akakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku. Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe. Rudyi rwenyu, Jehovha, rwakakudzwa nesimba rarwo; rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi. Noumambo hwenyu ukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi. Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaunganidzwa pamwechete; nzizi dzikamira dzikaita murwi, mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa. Muvengi akati, ‘Ndichateverera, ndichavabata, ndichagovera zvandapamba; kuchiva kwangu kuchagutswa navo; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.’ Makafema mweya wenyu, gungwa rikavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba. Ndianiko akafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko akafanana nemi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso? Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza. Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikinura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro hwenyu utsvene. Vanhu vakanzwa vakadedera, mabayo akawira vanhu vagere Firisitia. Ipapo machinda eEdhomu akashamiswa, kudedera kwakawira vanhu vane simba veMoabhu; vanhu vose vanogara Kenani vakanyauka. Kutya nokuvhunduka kwakavawira; vakanyarara sebwe noukuru hworuoko rwenyu; kusvikira vanhu venyu vayambuka, Jehovha, kusvikira vanhu venyu vamakazvitsvakira vayambuka. Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu. Jehovha achabata ushe nokusingaperi.” Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.
Ekisodho 15:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi navaIsiraeri vakabva vaimbira Tenzi rwiyo urwu vachiti: “Ndichaimbira Tenzi nokuti akurira zvino mukurumbira, ngoro dzehondo navachairi vadzo, azviti mugungwa bvuva bvuva. Tenzi ndiye simba rangu, ndiye rwiyo rwangu, ndiye mununuri wangu, iyeyu Mwari wangu wandinorumbidza, Mwari wababa vangu wandinopemberera. Tenzi igamba rehondo, Tenzi ndiro zita rake. “Akakandira mugungwa ngoro dzehondo, ngoro dzaFarao nehondo yake, nyanzvi dzamasoja ake mugungwa Dzvuku akadzindondomesa mvura zhinji ikavanyudza vakanyura pasi pasi kuti vido sebwe! Rudyi rwenyu Tenzi, ruoko rune simba rinotyisa. Rudyi rwenyu Tenzi, runopwanya-pwanya vavengi. “Noumambo hwenyu huno mukurumbira, munobwadutsira pasi mhandu dzenyu. Hasha dzenyu dzinovavirukira dzichivaroromesa samashanga. Nehasha dzenyu makangoti furidzei, mvura ndiye unga unga kuungana. Mvura yegungwa yakati dzuu kumira sechidziro. Mvura zhinji pakati pegungwa yakanyatsoti twi kumira. Muvengi akati, ‘Regai ndivatevere ndivabate, ndigoveranise zvandinenge ndapamba, ndichitorawo zvandinoda. Ndichavaburitsira muhara bakatwa rangu, ndivakatakazhe noruoko rwangu, vanyatsopera kuti dhuu.’ Asi imi makafuridza gungwa rikanyudza vaIjipiti, vakanyura somutobvu mumvura zhinji. Pana vamwari vose, ndiani angaenzaniswe nemi Tenzi? Ndianiko ano mukurumbira woutsvene semi, ano mukurumbira unotyisa ukadai, muiti wamabasa anoshamisa? Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikamedza vavengi vedu. Vanhu vamakanunura munovatungamirira, munovatungamirira nomwoyochena wenyu. Munovatungamirira nesimba renyu munovaperekedza kunyika yenyu inoera. Ndudzi dzavanhu dzakazvinzwa dzikadedera zvikuru, vaFirisitia vabatwa nokutya kukuru. Vakuru vakuru veEdhomu vadumbirwa nokutya. Machinda avaMoabhu ari kudedera, vanhu vomuKanani vaparara nokutya. Zvava kungoti kutya zvikati kudedera vadumbirwa nazvo vachiti nazvo papata sedombo nokutya, pamusana pesimba renyu guru, kusvikira vanhu venyu Tenzi vapfuura pavari, kusvikira vanhu venyu vamakanunura muuranda, vapfuura pavari. Muchaenda navo mugovasima pagomo renyu. Ndiyo nzvimbo yamakasarudza imi Tenzi kuti ive musha wenyu, Nzvimbo Inoera yamakagadzirira namaoko enyu. Tenzi achatonga kusvikira narini narini.” Ngoro dzehondo dzaFarao dzamabhiza navachairi vadzo padzakapinda mugungwa, Tenzi akavati fuse fuse nemvura, asi vaIsiraeri vakayambuka vachitsika zvavo pasi pakaoma.
Ekisodho 15:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi naʋana ʋaIsraeri ʋakaimbira Jehova rwiyo urwu, ʋakataura ʋaciti: Ndicaimbira Jehova, nokuti wakasimuka nesimba rake; Wakakandira biza nomutaȿi waro muguŋgwa. Jehova ndiro simba raŋgu norwiyo rwaŋgu; Iye wakaʋa ruponeso rwaŋgu; Uyu ndiye Mŋari waŋgu, ndicamurumbidza; Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu, ndicamukudza. Jehova munhu wokurwa; Jehova ndiro zita rake. Wakakandira ŋgoro dzaFarao nehondo yake muguŋgwa; Ʋarwi ʋake ʋakasanaŋgurwa ʋakanyudzwa muGuŋgwa Dɀuku. Mʋura yakadzika yakaʋafukidza; Ʋakanyura makadzika sebge. Rudyi rwenyu, Jehova, rwakakudzwa nesimba rarwo; Rudyi rwenyu, Jehova, runoputsanya ʋaʋeŋgi. Noʋumambo bgenyu ʋukuru munowisira pasi ʋanokumukirai simba; Munotuma kutsamŋa kwenyu, kunoʋapisa sehundi. Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaʋuŋganidzwa pamŋe cete; Nzizi dzikamira dzikaita murwi, Mvura yakadzika yakagwamba mukati meguŋgwa. Muʋeŋgi wakati: Ndicateʋerera, ndicaʋaɓata, ndicagoʋera ɀandapamba; Kuciʋa kwaŋgu kucagutswa naʋo; Ndicavomora munondo waŋgu, ruʋoko rwaŋgu rucaʋaparadza. Makafema mŋeya wenyu, guŋgwa rikaʋafukidza, Ʋakanyura somutobvu mumvura inesimba. Ndianiko wakafanana nemi, Jehova, pakati paʋamŋari? Ndianiko wakafanana nemi paʋukuru bgoʋutȿene, Munorumbidzwa mucityisa, munoita ɀishamiso? Makatambanudza ruʋoko rwenyu rworudyi, Nyika ikaʋamedza. Makafambisa nenyasha dzenyu ʋanhu ʋamakadzikinura; Makaʋaperekedza nesimba renyu kuʋugaro bgenyu ʋutȿene. Ʋanhu ʋakanzwa ʋakaɗeɗera, Maɓayo akawira ʋanhu ʋagere Firistia. Ipapo macinda eEdomi akashamiswa, Kuɗeɗera kwakawira ʋanhu ʋanesimba ʋeMoabi; Ʋanhu ʋose ʋanogara Kanani ʋakanyauka. Kutya nokuvunduka kwakaʋawira; Ʋakanyarara sebge noʋukuru bgoruʋoko rwenyu; Kuȿikira ʋanhu ʋenyu ʋayambuka, Jehova, Kuȿikira ʋanhu ʋenyu ʋamakaɀitȿakira ʋayambuka. Mucaʋapinza, nokuʋasima pagomo renhaka yenyu, Paʋugaro bgamakaɀiitira, kuti mugare’po, Jehova; Patȿene pakaitwa namaʋoko enyu. Jehova ucaɓata ʋushe nokusiŋgaperi. Nokuti mabiza aFarao akapinda muguŋgwa pamŋe cete neŋgoro dzake, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, Jehova akadzosera mvura yeguŋgwa pamsoro paʋo; asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa.
Ekisodho 15:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)