Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 14:19-31

Ekisodho 14:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo mutumwa waMwari, uyo akanga achifamba ari mberi kwehondo yavaIsraeri, akadzokera shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi kwavo ikandomira shure kwavo, iri pakati pehondo dzeIjipiti nedzeIsraeri. Usiku hwose gore rakauyisa rima kuno rumwe rutivi uye chiedza kuno rumwe rutivi; saka hakuna akaswedera kuno mumwe usiku hwose. Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka pakava nenyika yakaoma. Mvura yakakamurana, uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi nokuruboshwe kwavo. VaIjipita vakavatevera, uye mabhiza ose aFaro nengoro dzake navatasvi vamabhiza vakatevera mugungwa. Panguva yamangwanani Jehovha akatarira pasi nomushongwe yomoto uye nomugore raiva kurutivi rwehondo yavaIjipita, akainyonganisa. Akaita kuti mavhiri engoro dzavo abve zvokuti zvakanga zvaoma kudzifambisa. Uye vaIjipita vakati, “Ngatitizei kubva kuvaIsraeri. Jehovha ari kuvarwira achirwa navaIjipita.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.” Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye kwaedza, gungwa rakadzokera panzvimbo yaro. VaIjipita vakanga vachitizira kwariri, uye Jehovha akavakukurira mugungwa. Mvura yakadzokera pakare ikafukidza ngoro navatasvi vamabhiza, hondo yose yaFaro yakanga yatevera vaIsraeri ikanyura mugungwa. Hapana kana mumwe wavo akararama. Asi vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe. Zuva iroro Jehovha akaponesa vaIsraeri kubva mumaoko avaIjipita, uye vaIsraeri vakaona vaIjipita vakanga vafa pamahombekombe. Uye vaIsraeri pavakaona simba guru raJehovha richiratidzwa pamusoro pavaIjipita, vanhu vakatya Jehovha uye vakatenda kwaari naMozisi muranda wake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 14

Ekisodho 14:19-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yavaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo. Ikapinda pakati pemisasa yavaIjipiti nemisasa yavaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose. Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka. Zvino vana vaIsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo. VaIjipiti vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza. Mangwanani Jehovha akatarira hondo yavaIjipiti, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yavaIjipiti. Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaIjipiti vakazoti, “Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaIjipiti.” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.” Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikadzokera kwakare kwoedza; vaIjipiti vakatizira mukati maro; Jehovha akaparadza vaIjipiti mukati megungwa; mvura ikadzoka, ikafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichavateverera; hakuna kusara kunyange nomumwe wavo. Asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa; mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo. Jehovha akarwira vaIsiraeri saizvozvo nomusi iwoyo pamaoko avaIjipiti; vaIsiraeri vakaona vaIjipiti vakanga vafa pamhenderekedzo dzegungwa. Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMosesi muranda wake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 14

Ekisodho 14:19-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mutumwa waMwari akanga akatungamirira vaIsiraeri, vari hondo yavanhu, akabva pamberi paakanga ari akaenda shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi ikandomira yave shure kwavo. Yakandomira pakati pehondo yavaIjipiti nehondo iya yavaIsiraeri. Gore iroro rakanga rakati rima kwindi. Usiku ihwohwo hwose hwakapera vaIjipiti navaIsiraeri vasina kukwanisa kurwisana. Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Tenzi akaunza mhepo ine simba yaibva kumabvazuva, ikavhuvhuta usiku ihwohwo hwose, ikamisa mvura yomugungwa kuenda kwayaiyererera, ikaikamuranisa pakave napasi pakaoma mugungwa. VaIsiraeri vakabva vayambuka gungwa vachifamba napasi pakaoma, mvura yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo. VaIjipiti vakatevera nengoro dzavo dzose dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo vakapindawo mukati megungwa imomo. Mambakwedza Tenzi akatarisa hondo yavaIjipiti ari muzirimi romoto mushongwe yegore akakangaidza hondo yavaIjipiti achiita kuti ngoro dzavo dzehondo dzinyure. VaIjipiti vakazoti, “Varume, ngatitizei vaIsiraeri avo nokuti Tenzi ari kuvarwira achitirwisa.” Pakarepo Tenzi akati kuna Mosesi, “Simudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa mvura idzokere pakare, inyudze vaIjipiti vose nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa. Kwava kuedza, mvura yegungwa ndiye dhuma kudzokerana pakare somugariro wayo. VaIjipiti ndokuti gumbo ndibereke votiza, mvurawo ikati uya tiende yochingurana navo, Tenzi ndokuvati fuse fuse nemvura pakati pegungwa. Mvura yakadzokera pakare ikanyudza ngoro dzehondo navachairi vadzo nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivatevera. Hakuna kunyange mumwechete zvake akapunyuka. Asi vaIsiraeri vakafamba napasi pakaoma mukati megungwa. Mvura yakanga yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo. Pazuva iroro, Tenzi ndiko kuponesa kwaakaita vaIsiraeri vakanga vateverwa navaIjipiti. VaIsiraeri vakazoona zvitunha zvavaIjipiti vaya kumahombekombe kwegungwa. VaIsiraeri pavakaona simba guru raTenzi richiparadza vaIjipiti vakatya Tenzi. Vakadavira munaTenzi, uye Mosesi muranda wake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 14

Ekisodho 14:19-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mutumŋa waMŋari, wakaŋga akatuŋgamirira hondo yaʋaIsraeri, wakabva’po, akaenda shure kwaʋo; shoŋgwe yegore ikabva mberi kwaʋo, ikandomira shure kwaʋo. Ikapinda pakati pemisasa yaʋaEgipita nemisasa yaʋaIsraeri; gore nerima, ɀikaʋa’po asi rakavenekera ʋusiku; haʋana‐kusweɗerana ʋusiku bgose. Ɀino Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, Jehova akadziŋga guŋgwa nemhepo inesimba, yakabva mabvazuʋa ʋusiku bgose, akashandura guŋgwa, rikaita ivu rakawoma, mvura ikatsemuka. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakapinda nomukati meguŋgwa pakawoma, mvura ikaʋaitira madziro kurudyi rwaʋo nokuruɓoshwe rwaʋo. ƲaEgipita ʋakaʋateʋerera, ʋakapinda shure kwaʋo mukati meguŋgwa namabiza aFarao ose, neŋgoro dzake naʋataȿi ʋake ʋamabiza. Maŋgwanani Jehova akatarira hondo yaʋaEgipita, ari mushoŋgwe yomŋoto neyegore, akavundusa hondo yaʋaEgipita. Akanyudza makumbo eŋgoro dzaʋo, dzikatambudzika pakufamba; ʋaEgipita ʋakazoti: Ŋgatitize pamberi paʋaIsraeri, nokuti Jehova unoʋarwira iʋo, asi unorwa naʋaEgipita. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, kuti mvura idzokere pamsoro paʋaEgipita, napamsoro peŋgoro dzaʋo, napamsoro paʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza. Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, guŋgwa rikadzokera kwakare kwoedza; ʋaEgipita ʋakatizira mukati maro; Jehova akaparadza ʋaEgipita mukati meguŋgwa; mvura ikadzoka, ikafukidza ŋgoro, naʋataȿi ʋamabiza, nehondo yose yaFarao yakaŋga yapinda muguŋgwa iciʋateʋerera; hakuna‐kusara kunyaŋge nomumŋe waʋo. Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa; mvura ikaʋaitira madziro kurudyi rwaʋo nokuruɓoshwe rwaʋo. Jehova akarwira ʋaIsraeri saiɀoɀo nomusi iwoyo pamaʋoko aʋaEgipita; ʋaIsraeri ʋakaʋona ʋaEgipita ʋakaŋga ʋafa pamhenderekedzo dzeguŋgwa. Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona ɓasa guru rakaŋga raitirwa ʋaEgipita naJehova, ʋanhu ʋakatya Jehova, ʋakatenda Jehova naMosesi muranda wake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 14

Ekisodho 14:19-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)