Mutumwa waMwari akanga akatungamirira vaIsiraeri, vari hondo yavanhu, akabva pamberi paakanga ari akaenda shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi ikandomira yave shure kwavo. Yakandomira pakati pehondo yavaIjipiti nehondo iya yavaIsiraeri. Gore iroro rakanga rakati rima kwindi. Usiku ihwohwo hwose hwakapera vaIjipiti navaIsiraeri vasina kukwanisa kurwisana. Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Tenzi akaunza mhepo ine simba yaibva kumabvazuva, ikavhuvhuta usiku ihwohwo hwose, ikamisa mvura yomugungwa kuenda kwayaiyererera, ikaikamuranisa pakave napasi pakaoma mugungwa. VaIsiraeri vakabva vayambuka gungwa vachifamba napasi pakaoma, mvura yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo. VaIjipiti vakatevera nengoro dzavo dzose dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo vakapindawo mukati megungwa imomo. Mambakwedza Tenzi akatarisa hondo yavaIjipiti ari muzirimi romoto mushongwe yegore akakangaidza hondo yavaIjipiti achiita kuti ngoro dzavo dzehondo dzinyure. VaIjipiti vakazoti, “Varume, ngatitizei vaIsiraeri avo nokuti Tenzi ari kuvarwira achitirwisa.” Pakarepo Tenzi akati kuna Mosesi, “Simudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa mvura idzokere pakare, inyudze vaIjipiti vose nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa. Kwava kuedza, mvura yegungwa ndiye dhuma kudzokerana pakare somugariro wayo. VaIjipiti ndokuti gumbo ndibereke votiza, mvurawo ikati uya tiende yochingurana navo, Tenzi ndokuvati fuse fuse nemvura pakati pegungwa. Mvura yakadzokera pakare ikanyudza ngoro dzehondo navachairi vadzo nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivatevera. Hakuna kunyange mumwechete zvake akapunyuka. Asi vaIsiraeri vakafamba napasi pakaoma mukati megungwa. Mvura yakanga yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo. Pazuva iroro, Tenzi ndiko kuponesa kwaakaita vaIsiraeri vakanga vateverwa navaIjipiti. VaIsiraeri vakazoona zvitunha zvavaIjipiti vaya kumahombekombe kwegungwa. VaIsiraeri pavakaona simba guru raTenzi richiparadza vaIjipiti vakatya Tenzi. Vakadavira munaTenzi, uye Mosesi muranda wake.
Verenga chikamu Kubuda 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 14:19-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo