Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 13:1-16

Ekisodho 13:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Mozisi, “Nditsaurire matangwe echirume ose. Chibereko chokutanga chechizvaro pakati pavaIsraeri ndechangu, chingava chomunhu kana chechipfuwo.” Ipapo Mozisi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri, iro zuva ramakabuda muIjipiti, munyika youtapwa, nokuti Jehovha akakubudisai mairi noruoko rune simba. Musadya chinhu chine mbiriso. Nhasi, mumwedzi waAbhibhi muri kubuda. Pamunosvitswa naJehovha munyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, navaJebhusi, iyo nyika yaakapikira madzibaba enyu kuti vazokupai iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, munofanira kucherechedza chirevo ichi mumwedzi uno. Kwamazuva manomwe munofanira kuitira Jehovha mutambo. Mudye chingwa chisina mbiriso pamazuva manomwe iwayo; chinhu chine mbiriso hachifaniri kuonekwa pakati penyu, uye mbiriso zvayo haifaniri kuonekwa panzvimbo ipi zvayo pakati pemiganhu yenyu. Pazuva iroro uudze mwanakomana wako kuti, ‘Ndinoita izvi nokuda kwezvandakaitirwa naJehovha pandakabuda muIjipiti.’ Mucherechedzo uyu uchava kwauri sechiratidzo paruoko rwako uye sechirangaridzo pahuma yako chokuti murayiro waJehovha unofanira kuva pamiromo yako. Nokuti Jehovha akakubudisa muIjipiti noruoko rwake rune simba. Unofanira kuchengeta mutemo uyu panguva dzakatarwa gore negore. “Shure kwokunge Jehovha akusvitsa munyika yavaKenani uye aipa kwauri, sezvaakavimbisa nemhiko kwauri nokumadzitateguru ako, unofanira kupa kuna Jehovha chibereko chokutanga chezvizvaro zvose. Zvikono zvezvipfuwo zvako zvose zvinotanga kuzarura chibereko ndezvaJehovha. Udzikinure negwayana mwana wose wokutanga wembongoro, asi kana usingaudzikinuri, uvhune mutsipa wawo. Udzikinure matangwe ose pakati pavanakomana vako. “Mumazuva anouya, paunenge uchibvunzwa nomwanakomana wako kuti, ‘Zvinoreveiko izvi?’ uti kwaari, ‘Noruoko rune simba Jehovha akatibudisa muIjipiti, munyika youtapwa. Faro paakasindimara achiramba kuti tiende, Jehovha akauraya matangwe ose omuIjipiti, zvose vanhu nezvipfuwo. Ndokusaka ndichibayira kuna Jehovha mukono wokutanga wechibereko chechizvaro chose uye ndichidzikinura dangwe rimwe nerimwe ravanakomana vangu.’ Uye chichava chiratidzo paruoko rwako nerundanyara pahuma yako kuti Jehovha akatibudisa kubva muIjipiti noruoko rune simba.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 13

Ekisodho 13:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Nditsaurirei madangwe ose; zvose zvinotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri, kana kuvanhu kana kuzvipfuwo, ndezvangu.” Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi. Nhasi munobuda nomwedzi weAbhibhi. Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno. Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe Jehovha ngaaitirwe mutambo. Chingwa chisina kuviriswa ngachidyiwe mazuva manomwe; chingwa chakaviriswa ngachirege kuonekwa kwauri, kunyange mbiriso ngairege kuonekwa kwauri panyika yako yose. Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, ‘Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.’ Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murayiro waJehovha uve mumuromo mako; nokuti Jehovha akakubudisa paIjipiti noruoko rune simba. Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro uyu nenguva yawo gore rimwe nerimwe. “Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, sezvaakakupikira iwe namadzibaba ako, akakupa iyoyo, unofanira kusanangurira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, nezvokutanga zvose pazvipfuwo zvaunazvo, zvirume ndezvaJehovha. Mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana, kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikinura. Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, ‘Chinyiko ichi?’ Uti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paIjipiti paimba youranda; nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya madangwe ose enyika yeIjipiti, madangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo;’ naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi madangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikinura. Ichi chichava chiratidzo paruoko rwako, norundanyara pameso pako; nokuti Jehovha akatibudisa paIjipiti noruoko rune simba.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 13

Ekisodho 13:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Mosesi, “Matangwe ose echirume anofanira kupiwa kwandiri sechinhu chinozogara chichinzi ndechangu. Chii zvacho chevaIsiraeri chinenge chatanga kuberekwa, pavanhu kana pazvipfuwo, ndechangu.” Mosesi akataurira vaIsiraeri achiti, “Rangarirai zuva ramakabuda muIjipiti kwamaiva muuranda nokuti Tenzi akakubvisaimo nesimba rake guru, naizvozvo hamubvumirwe kudya chingwa chine mbiriso. Nhasi mumwedzi uno waAbhibhi, mava kuzobuda muIjipiti. “Kana Tenzi akazokusvitsai kunyika yaakatsidzira madzitateguru enyu kuzokupai, nyika yavaKanani navaHiti navaHivhi navaJebhusi, nyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kupemberera ikoku ngakuitwe mumwedzi iwo uno. Kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso chete, pazuva rechinomwe muchiita mabiko okupemberera Tenzi. Mumazuva manomwe iwayo idyai chingwa chisina mbiriso, ngamurege kuva nomunhu anowanikwa aine mbiriso kana chingwa chine mbiriso munyika yenyu yose. Munozofanira kuudza vana venyu pazuva iroro kuti, ‘Zvinhu izvi, tiri kuzviita pamusana pezvatakaitirwa naTenzi patakabva kuIjipiti.’ Mabiko iwayo achaita sechiratidzo chakasungirirwa paruoko rwako kana kuti sechiyeuchidzo chakasungirirwa pahuma yako kuti mutemo waTenzi usabve pamuromo pako nokuti Tenzi akakuburitsai muIjipiti nesimba rake guru. Nokudaro chengetai murao iwoyu gore negore panguva yawo yakatarwa. “Kana Tenzi azokuunzai kunyika yevaKanani sokutsidza kwaakaitira imi namadzibaba enyu achiipa kwamuri, imi munofanira kuzoturira kuna Tenzi chose zvacho chinenge chatanga kuberekwa. Pazvipfuwo zvenyu zvose, mikono yose inotanga kuberekwa ndeyaTenzi. Asi kana iri mhuru yedhongi hono, inenge iri yokutanga kuberekwa, inunurei nehwayana. Kana mukarega kuinunura imonyei mutsipa ife. Matangwe ose avanhu echirume ngaanunurwe. Kana mwanakomana wako akazokubvunza mune ramangwana achiti, ‘Ko izvi zvinoreveiko?’ Iwe iti, ‘Tenzi akatiburitsa nesimba rake guru muIjipiti mataitambura tiri muuranda. Farao paakaomesa mwoyo achitirambidza kubuda, Tenzi akauraya matangwe echirume ose munyika yeIjipiti kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kumatangwe ezvipfuwo. Ndokusaka ndichitora zvipfuwo zvose zvinotanga kuberekwa ndichizviita chibayiro kuna Tenzi. Asi vana vedu vakomana vanenge vari matangwe tinotovanunura. Izvozvi zvichaita sechiyeuchidzo chiripamaoko enyu kana kuti pahuma dzenyu chokuti Tenzi akatiburitsa muIjipiti nesimba rake guru.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 13

Ekisodho 13:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Nditsaurirei mataŋgwe ose; ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro pakati paʋana ʋaIsraeri, kana kuʋanhu kana kuɀipfuwo, ndeɀaŋgu. Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Raŋgarirai zuʋa iri ramakaɓuɗiswa naro paEgipita, paimba yoʋuranda, nokuti Jehova wakakuɓuɗisai pano noruʋoko runesimba; ciŋgwa cakaʋiriswa ŋgacirege kudyiwa nemi. Nhasi munoɓuɗa nomŋedzi weAbibi. Ɀino kana Jehova akuȿitsa kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, yaakambopikira madziɓaɓa ako, kuti ucakupa iyo, nyika inoyerera mukaka noʋuci, unofanira kundoita ɓasa iri nomŋedzi uno. Unofanira kudya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; pazuʋa recinomŋe Jehova ŋgaaitirwe mutambo. Ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa ŋgacidyiwe mazuʋa manomŋe: ciŋgwa cakaʋiriswa ŋgacirege kuʋonekwa kwauri, kunyaŋge mbiriso ŋgairege kuʋonekwa kwauri panyika yako yose. Ʋudza mŋanakomana wako nomusi iwoyo, uti: Ndiɀo ɀinoratidza ɀandakaitirwa naJehova musi wandakaɓuɗa Egipita. Cinofanira kuʋa ciratidzo kwauri paruʋoko rwako, neciraŋgaridzo pakati pameso ako, kuti murairo waJehova uʋe mumuromo mako; nokuti Jehova wakakuɓuɗisa paEgipita noruʋoko runesimba. Naiɀoɀo unofanira kuceŋgeta murairo uyu neŋguʋa yawo gore rimŋe nerimŋe. Ɀino kana Jehova akuȿitsa kunyika yaʋaKanani, seɀaakakupikira iwe namadziɓaɓa ako, akakupa iyo, unofanira kusanaŋgurira Jehova ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, neɀokutaŋga ɀose paɀipfuwo ɀaunaɀo, ɀirume ndeɀaJehova. Mŋana wokutaŋga wemboŋgoro unofanira kuudzikinura negwaiana; kana usiŋgaɗi kuudzikinura, unofanira kuvuna mutsipa wawo; mataŋgwe ose aʋanhu pakati paʋanakomana ʋako unofanira kuadzikinura. Ɀino kana mŋanakomana wako acizokubvunza paŋguʋa inoʋuya, akati: Cinyiko ici? Uti kwaari: Jehova wakatiɓuɗisa noruʋoko runesimba paEgipita paimba yoʋuranda; nokuti paŋguʋa iyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehova wakaʋuraya mataŋgwe ose enyika yeEgipita, mataŋgwe ose aʋanhu naʋana ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; naiɀoɀo ndinoɓayira Jehova ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kana ɀiri ɀirume; asi mataŋgwe ose aʋanakomana ʋaŋgu ndinoadzikinura. Ici cicaʋa ciratidzo paruʋoko rwako, norundanyara pameso ako; nokuti Jehova wakatiɓuɗisa paEgipita noruʋoko runesimba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 13

Ekisodho 13:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)