Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Nditsaurirei madangwe ose; zvose zvinotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri, kana kuvanhu kana kuzvipfuwo, ndezvangu.”
Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi. Nhasi munobuda nomwedzi weAbhibhi. Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno. Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe Jehovha ngaaitirwe mutambo. Chingwa chisina kuviriswa ngachidyiwe mazuva manomwe; chingwa chakaviriswa ngachirege kuonekwa kwauri, kunyange mbiriso ngairege kuonekwa kwauri panyika yako yose. Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, ‘Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.’ Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murayiro waJehovha uve mumuromo mako; nokuti Jehovha akakubudisa paIjipiti noruoko rune simba. Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro uyu nenguva yawo gore rimwe nerimwe.
“Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, sezvaakakupikira iwe namadzibaba ako, akakupa iyoyo, unofanira kusanangurira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, nezvokutanga zvose pazvipfuwo zvaunazvo, zvirume ndezvaJehovha. Mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana, kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikinura. Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, ‘Chinyiko ichi?’ Uti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paIjipiti paimba youranda; nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya madangwe ose enyika yeIjipiti, madangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo;’ naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi madangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikinura. Ichi chichava chiratidzo paruoko rwako, norundanyara pameso pako; nokuti Jehovha akatibudisa paIjipiti noruoko rune simba.”