Ekisodho 1:1-22
Ekisodho 1:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake: Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha; Isakari, Zebhuruni naBhenjamini; Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri. Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti. Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa, asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo. Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti. Akati kuvanhu vake, “Tarirai, vaIsraeri vanyanya kuwanda kwazvo. Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu vakazobva munyika.” Saka vakagadza vatariri vebasa pamusoro pavo kuti vavadzvinyirire nebasa rechibharo, uye vakavaka Pitomu neRamesesi kuti ave maguta amatura aFaro. Asi pavakanyanya kudzvinyirirwa ndipo pavakanyanya kuwanda uye nokupararira; saka vaIjipita vakasvika pakutya vaIsraeri uye vakavashandisa zvino utsinye. Vakashungurudza upenyu hwavo nebasa rakaoma rezvidhina nedhaka uye nemhando dzose dzebasa romuminda; vaIjipita vakavashandisa noutsinye mubasa rakaoma. Mambo weIjipiti akati kuna vananyamukuta vechiHebheru vainzi Shifura naPua, “Pamunobatsira vakadzi vechiHebheru pakusununguka uye mukavacherechedza vachisununguka, kana ari mukomana, mumuuraye; kana ari musikana murege ari mupenyu.” Asi, vananyamukuta vakanga vachitya Mwari, uye havana kuita zvavakanga varayirwa namambo weIjipiti kuti vaite; vakarega vanakomana vari vapenyu. Ipapo mambo weIjipiti akadana vananyamukuta akavabvunza achiti, “Seiko maita izvi? Seiko marega vana vechikomana vari vapenyu?” Vananyamukuta vakapindura Faro vachiti, “Vakadzi vechiHebheru havana kufanana navakadzi veIjipiti; vane simba uye vanosununguka vananyamukuta vasati vasvika.” Saka Mwari akaitira vananyamukuta zvakanaka uye vanhu vakawedzerwa vakava vazhinji kwazvo. Uye nokuda kwokuti vananyamukuta vaitya Mwari, iye akavapa mhuri dzavo pachavo. Ipapo Faro akarayira vanhu vose kuti, “Vanakomana vose vanoberekwa munofanira kuvakanda murwizi Nairi, asi murege vanasikana vose vari vapenyu.”
Ekisodho 1:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakanga vaenda Ijipiti: mumwe nomumwe akaenda naJakobho ana veimba yake: Rubheni, naSimeoni, naRevhi, naJudha, naIsakari, naZebhuruni, naBhenjamini, naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri. Zvino vanhu vose vakanga vabva muchiuno chaJakobho vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; asi Josefa akanga atova Ijipiti. Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, navose vakanga vane zero navo. Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo. Zvino paIjipiti pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa. Iye akati kuvanhu vake, “Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba; uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino.” Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi. Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora mwoyo nokuda kwavana vaIsiraeri. VaIjipiti vakavabatisa zvinorema; vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, vachivabatisa zvinorema. Zvino mambo weIjipiti akaudza madzimbuya avaHebheru, vainzi mumwe Shifura, mumwe Pua; akati, “Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.” Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvaakarairwa namambo weIjipiti, asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo. Mambo weIjipiti akadana madzimbuya, akati kwavari, “Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu?” Madzimbuya akati kuna Farao, “Nokuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.” Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo. Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa mhuri. Farao akaraira vanhu vake vose, akati, “Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo.”
Ekisodho 1:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Haanoi mazita avaIsiraeri vakaenda kuIjipiti naJakobho, mumwe nomumwe nemhuri yake. Kwaiti Rubheni naSimeoni naRevhi naJudha, kwoti Isakari naZebhuruni naBhenjamini naDhani, kwouya Nafutari naGadhi, naAsheru. Vana vose vaJakobho pamwechete navazukuru vake, vaikwana makumi manomwe. Josefi akatenge avako kuIjipiti kare. Josefi akazofa, vakoma vake vose vakafawo pamwechete navamwe vose vechizvarwa chavo. Asi vana vokwaIsiraeri vakaramba vachingoberekana vachiwanda zvikuru, vakazova rudzi rune simba vakatekeshera nenyika yose yeIjipiti. Kwakazomuka mambo mutsva aitonga muIjipiti akanga asingazivi nezvaJosefi. Akayambira vanhu vake achiti, “Tarisai muone vaIsiraeri vanyanyisa kuwanda uye vava nesimba rawandisa kudarika isu. Zvino ngatitsvakei zano rokuti varege kuramba vachiwanda kudai. Ndinodaro nokuti musi unomuka hondo yokutirwisa, vachazoita rimwe navavengi vedu voita chirwirangwe chokutirwisa vakazotiza munyika ino.” Naizvozvo vaIjipiti vakazoisa vanhu vokushandisa vaIsiraeri basa rinorema rechibharo rokuvarwadzisa. VaIsiraeri vakabatwa zvakaipa vachimanikidzwa kuita mabasa airema zvikuru. Vakavakira Farao maguta ematura. Maguta acho ainzi Pitomu neRamesesi. VaIsiraeri pavaioneswa ndondo kudaro, ndipo pavakatonyanya kuwanda nokutekeshera nenyika yose iyoyo. Pamusana paizvozvi vaIjipiti vakatya vaIsiraeri zvikuru, vakavaendesa kuchibharo. Vakavaomesera upenyu pabasa ravo rezvidhina nerokukanya ivhu namabasa akasiyana-siyana omuminda. Pamabasa ose iwayo, vaivashandisa zvechibharo. Mambo weIjipiti akataurira Shifura naPua vanyamukuta vaigamuchira vana paipona madzimai echiHebheru kuti, “Kana mava kubatsira madzimai echiHebheru anenge ava pakusununguka, mukaona kuti mwana wacho mukomana, ibvai mamuuraya. Asi kana ari musikana, musamuuraye.” Vananyamukuta ivava vaiva vanhu vaitya Mwari. Havana kuita zvavakanga vaudzwa namambo weIjipiti, asi vakarega vana vakomana vari vapenyu. Mambo weIjipiti akazodaidza vananyamukuta ava akati, “Nhai imi! Ko makaitirei zvakadai izvi? Makaregerereiko vana vakomana vari vapenyu?” Vananyamukuta ava vakapindura Farao vachiti, “Madzimai echiHebheru haana kufanana namadzimai echiIjipiti, nokuti madzimai echiHebheru akagwinya kwazvo zvokuti vananyamukuta vanozosara zvavo vosvika, ivo vatosununguka kare.” Naizvozvo Mwari akaitira vananyamukuta ava zvakanaka. VaIsiraeri vakaramba vachiwanda vakasimba. Pamusana pokuti vananyamukuta ivava vaitya Mwari, Mwari akavapa mhuri. Farao akabva audza vanhu vake vose achiti, “Mwana mukomana upi noupi anenge aberekwa mukati mavaHebheru, mukandei murwizi, muna Nairi, asi vana vasikana vose, varegei vari vapenyu.”
Ekisodho 1:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiwo mazita aʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋaenda Egipita: mumŋe nomumŋe wakaenda naJakobo anaʋeimba yake: Rubeni, naSimeoni, naRevi, naJuda, naIsakari, naZeburuni, naBenjamini, naDani, naNaftari, naGadi, naAsheri Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋabva muciʋuno caJakobo ʋakaŋga ʋari ʋanhu ʋanamakumi manomŋe; asi Josefa wakaŋga atoʋa Egipita. Ɀino Josefa akafa, naʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋose, naʋose ʋakaŋga ʋanezero naʋo. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓerekana, ʋakawanda kwaɀo, ʋakaʋa nesimba guru‐guru; nyika yakaŋga izere naʋo. Ɀino paEgipita pakamuka mumŋe mambo mutȿa, wakaŋga asina‐kuziʋa Josefa. Iye akati kuʋanhu ʋake: Tarirai, ʋanhu aʋa, ʋana ʋaIsraeri, ʋanotipfuʋura isu pakuwanda nesimba; ʋuyai, ŋgatiʋafuŋgire zano, ʋarege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, iʋo ʋaŋgaɓatsirana naʋaʋeŋgi ʋeɗu, ʋakarwa nesu, ʋakabva panyika ino. Naiɀoɀo ʋakagadza pamsoro paʋo ʋatariri ʋeɓasa, kuti ʋaʋanetse nemirimo yaʋo. Ʋakaʋakira Farao maguta anamatura, Pitomi neRamesesi. Asi ʋaciramba ʋaciʋanetsa, iʋo ʋakaramba ʋaciwanda kwaɀo, ʋaciŋgopararira. Ʋakaʋora mŋoyo nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri ƲaEgipita ʋakaʋaɓatisa ɀinorema; ʋakanetsa ʋupenyu bgaʋo neɓasa rinorema pamatope neɀitina, namaɓasa ose eminda, maɓasa aʋo ose, ʋaciʋaɓatisa ɀinorema. Ɀino mambo weEgipita akaʋudza madzimbuya aʋaHeberu, ʋainzi mumŋe Shifra, mumŋe Pua; akati: Kana muciɓatsira ʋakadzi ʋaʋaHeberu paɓasa ramadzimbuya, muciʋaʋona pakupona, kana ari mŋanakomana mumuʋuraye, kana ari mŋanasikana, ŋgaararame hake. Asi madzimbuya akaŋga acitya Mŋari, akasaita seɀaakarairwa namambo weEgipita, asi ʋakarega ʋanakomana ʋari ʋapenyu haʋo. Mambo weEgipita akaɗana madzimbuya, akati kwaʋari: Makaitireiko iɀoɀo, mukarega ʋanakomana ʋari ʋapenyu? Madzimbuya akati kunaFarao: Nokuti ʋakadzi ʋaʋaHeberu haʋana‐kufanana naʋakadzi ʋaʋaEgipita, nokuti ʋanesimba; mbuya ʋasati ʋaȿika kwaʋari, ʋatopona haʋo. Naiɀoɀo Mŋari akaitira madzimbuya ɀakanaka, ʋanhu ʋakawanda kwaɀo, ʋakaʋa nesimba kwaɀo. Ɀino madzimbuya ɀaakaŋga acitya Mŋari, iye akaʋapa mhuri. Farao akaraira ʋanhu ʋake ʋose, akati: Ʋanakomana ʋose ʋanozoɓerekwa, muʋakandire murwizi, asi ʋasikana ʋose muʋarege ʋari ʋapenyu haʋo.
Ekisodho 1:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)