Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 1:1-22

Kubuda 1:1-22 SCLBD

Haanoi mazita avaIsiraeri vakaenda kuIjipiti naJakobho, mumwe nomumwe nemhuri yake. Kwaiti Rubheni naSimeoni naRevhi naJudha, kwoti Isakari naZebhuruni naBhenjamini naDhani, kwouya Nafutari naGadhi, naAsheru. Vana vose vaJakobho pamwechete navazukuru vake, vaikwana makumi manomwe. Josefi akatenge avako kuIjipiti kare. Josefi akazofa, vakoma vake vose vakafawo pamwechete navamwe vose vechizvarwa chavo. Asi vana vokwaIsiraeri vakaramba vachingoberekana vachiwanda zvikuru, vakazova rudzi rune simba vakatekeshera nenyika yose yeIjipiti. Kwakazomuka mambo mutsva aitonga muIjipiti akanga asingazivi nezvaJosefi. Akayambira vanhu vake achiti, “Tarisai muone vaIsiraeri vanyanyisa kuwanda uye vava nesimba rawandisa kudarika isu. Zvino ngatitsvakei zano rokuti varege kuramba vachiwanda kudai. Ndinodaro nokuti musi unomuka hondo yokutirwisa, vachazoita rimwe navavengi vedu voita chirwirangwe chokutirwisa vakazotiza munyika ino.” Naizvozvo vaIjipiti vakazoisa vanhu vokushandisa vaIsiraeri basa rinorema rechibharo rokuvarwadzisa. VaIsiraeri vakabatwa zvakaipa vachimanikidzwa kuita mabasa airema zvikuru. Vakavakira Farao maguta ematura. Maguta acho ainzi Pitomu neRamesesi. VaIsiraeri pavaioneswa ndondo kudaro, ndipo pavakatonyanya kuwanda nokutekeshera nenyika yose iyoyo. Pamusana paizvozvi vaIjipiti vakatya vaIsiraeri zvikuru, vakavaendesa kuchibharo. Vakavaomesera upenyu pabasa ravo rezvidhina nerokukanya ivhu namabasa akasiyana-siyana omuminda. Pamabasa ose iwayo, vaivashandisa zvechibharo. Mambo weIjipiti akataurira Shifura naPua vanyamukuta vaigamuchira vana paipona madzimai echiHebheru kuti, “Kana mava kubatsira madzimai echiHebheru anenge ava pakusununguka, mukaona kuti mwana wacho mukomana, ibvai mamuuraya. Asi kana ari musikana, musamuuraye.” Vananyamukuta ivava vaiva vanhu vaitya Mwari. Havana kuita zvavakanga vaudzwa namambo weIjipiti, asi vakarega vana vakomana vari vapenyu. Mambo weIjipiti akazodaidza vananyamukuta ava akati, “Nhai imi! Ko makaitirei zvakadai izvi? Makaregerereiko vana vakomana vari vapenyu?” Vananyamukuta ava vakapindura Farao vachiti, “Madzimai echiHebheru haana kufanana namadzimai echiIjipiti, nokuti madzimai echiHebheru akagwinya kwazvo zvokuti vananyamukuta vanozosara zvavo vosvika, ivo vatosununguka kare.” Naizvozvo Mwari akaitira vananyamukuta ava zvakanaka. VaIsiraeri vakaramba vachiwanda vakasimba. Pamusana pokuti vananyamukuta ivava vaitya Mwari, Mwari akavapa mhuri. Farao akabva audza vanhu vake vose achiti, “Mwana mukomana upi noupi anenge aberekwa mukati mavaHebheru, mukandei murwizi, muna Nairi, asi vana vasikana vose, varegei vari vapenyu.”

Verenga chikamu Kubuda 1