Esteri 7:1-4
Esteri 7:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kundodya navaHosi Esteri, uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa.” Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu. Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose. Kana dai takanga tangotengeswa senhapwa dzavarume navakadzi, ndingadai ndaingonyarara, nokuti kutambudzika kwakadai hakukodzere kuti mambo akanganiswe zvaari kuita.”
Esteri 7:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo naHamani vakasvika pamafundo avahosi Esiteri. Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, “Chinyiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.” Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, “Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kwokunyengetera kwangu, nohwovanhu vangu nokuda kwokukumbira kwangu; nokuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu, nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.”
Esteri 7:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sokudaro mambo naHamani vakapinda mumabiko navahosi vamambo Esita. Pazuva rechipiri racho, vachinwa zvavo waini, mambo akatizve kuna Esita, “Chichemo chenyu ndechipi nhai vahosi vangu Esita? Unozvipiwa. Chii chaizvo chauri kukumbira? Kunyange chikava chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu, zvinofanira kuti zvitoitwa.” Vahosi Esita vakapindura vachiti, “Kana imi mandiitirawo mwoyochena mambo, uye kana zvichikufadzai imi mambo nokukumbira kwandinenge ndaita ndinokumbira kuti mundiraramisewo uyewo nokukumbira kwangu mundiraramisirewo vanhu vokwangu; nokuti takatotengeswaka isu, ini pamwechete navanhu vokwangu kuti tiparadzwe, tiuraiwe uye kuti titsakatiswe. Dai kuri kuti takangotengeswa chete nhapwa dzechikadzi nedzechirume, ndingadai ndaramba ndakanyarara zvangu. Chinondidariso ndechokuti muvengi wacho iyeyo haazogona kuzogadziridza achitsiva kurasikirwa kunenge kwaita mambo.”
Esteri 7:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo naHamani ʋakaȿika pamafundo aʋahosi Estere. Mambo akati ɀe kunaEstere pazuʋa recipiri, pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera, ʋahosi Estere? Ucacipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. Ipapo ʋahosi Estere ʋakapindura ʋakati: Kana ndiciŋge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ʋupenyu bgaŋgu nokuɗa kwokunyeŋgetera kwaŋgu, nobgaʋanhu ʋaŋgu nokuɗa kwokukumbira kwaŋgu; nokuti tateŋgeswa, ini naʋanhu ʋaŋgu, kuti tiparadzwe, tiʋurawe, tipedzwe. Ƌai takaŋga tateŋgeswa tiʋe ʋaranda naʋashandiri, ndiŋgaɗai ndanyarara haŋgu, nokuti kutambudzika kweɗu hakuŋgaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.
Esteri 7:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)