Estere 7
7
Hamani unosuŋgirirwa.
1Ɀino mambo naHamani ʋakaȿika pamafundo aʋahosi Estere. 2Mambo akati ɀe kunaEstere pazuʋa recipiri, pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera, ʋahosi Estere? Ucacipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. 3Ipapo ʋahosi Estere ʋakapindura ʋakati: Kana ndiciŋge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ʋupenyu bgaŋgu nokuɗa kwokunyeŋgetera kwaŋgu, nobgaʋanhu ʋaŋgu nokuɗa kwokukumbira kwaŋgu; 4nokuti tateŋgeswa, ini naʋanhu ʋaŋgu, kuti tiparadzwe, tiʋurawe, tipedzwe. Ƌai takaŋga tateŋgeswa tiʋe ʋaranda naʋashandiri, ndiŋgaɗai ndanyarara haŋgu, nokuti kutambudzika kweɗu hakuŋgaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo. 5Ipapo mambo Ahashveroshi akapindura, akati kunaʋahosi Estere: Ndianiko, uripi iye wakafuŋga mumŋoyo make kuita iɀoɀo? 6Estere akati: Mudziʋisi nomuʋeŋgi, ndiye Hamani uyu wakaipa! Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo naʋahosi. 7Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamŋa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimuka ʋo kuzokumbira ʋupenyu bgake kunaʋahosi Estere, nokuti wakaʋona kuti mambo wakafuŋga kumuitira ɀakaipa. 8Ipapo mambo wakadzoka acibva pamunda weimba yamambo akapinda panɀimbo yamafundo ewaini; ɀino Hamani wakaŋga aɀiwisira pacigaro pakaŋga pagere Estere. Mambo akati: Ɀino wotoɗa kucinya ʋahosi muno mumba pamberi paŋgu kanhi? Ɀino shoko iro rakati raɓuɗa mumuromo wamambo, ʋakafukidza ciso caHamani. 9Ipapo Harbona, mumŋe muranda wakaŋga ari pamberi pamambo, akati: Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareɓa anamakubiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asuŋgirire’po Mordekai, wakataura ɀakanaka nokuɗa kwamambo. Mambo akati: Musuŋgirirei’po paari. 10Naiɀoɀo ʋakasuŋgirira Hamani pamatanda aakagadzirira Mordekai. Ipapo kutsamŋa kwamambo kwakanyarara.
Zvasarudzwa nguva ino
Estere 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018