Esteri 5:1-8
Esteri 5:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova. Paakaona vaHosi Esteri vakamira muruvanze, akafadzwa naye ndokumutambanudzira tsvimbo yake yegoridhe yaiva muruoko rwake. Naizvozvo Esteri akaswedera ndokubata muromo wetsvimbo. Ipapo mambo akamubvunza achiti, “Uri kureveiko, vaHosi Esteri? Chikumbiro chako ndecheiko? Kunyange hafu youshe uchaipiwa.” Esteri akati, “Kana zvichifadza mambo, mambo ngaauye nhasi pamwe chete naHamani, kumabiko andakugadzirirai.” Mambo akati, “Hamani ngaauye nokuchimbidza, kuti tiite zvinokumbirwa naEsteri.” Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumabiko akaitwa naEsteri. Pavakanga vachinwa waini, mambo akabvunzazve Esteri achiti, “Zvino, chikumbiro chako ndechei? Uchachipiwa. Uye unokumbireiko? Kunyange hafu youshe, uchapiwa.” Esteri akapindura akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndeichi: Kana ndanzwirwa nyasha namambo uye kana zvichifadza mambo kupedza chichemo changu nokuzadzisa chikumbiro changu, mambo ngaauye mangwana naHamani kumabiko andichavagadzirira. Ipapo ndichapindura mubvunzo wamambo.”
Esteri 5:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba. Zvino mambo akati achiona vahosi Esiteri amire paruvanze, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama yakanga iri muruoko rwake. Ipapo Esiteri akaswedera, akabata muromo wetsvimbo. Zvino mambo akati kwaari, “Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.” Esiteri akati, “Kana mambo achifara nazvo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumafundo andakamugadzirira.” Ipapo mambo akati, “Hamani ngaachimbidzike, kuti zvarehwa naEsiteri zviitwe.” Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri. Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, “Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.” Ipapo Esiteri akapindura akati, “Kunyengetera kwangu nokukumbira kwangu ndikoku: “Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo achida kundipa chandinonyengetera, nokuita chandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumafundo andichavagadzirira, mangwana ndichaita sezvarehwa namambo.”
Esteri 5:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva retatu Esita akapfeka hanzu dzake dzouhosi hokwamambo akandomira munhandare yomukati yomumuzinda wamambo pakatarisana nezimba rokusanganira rokwamambo. Mambo akanga agere zvake pachigaro chake choumambo mumuzinda imomo pakatarisana nepokupinda napo mumuzinda. Mambo paakaona vahosi vamambo Esita amire munhandare umu, akamuitira mwoyochena akabva asimudzira tsvimbo yake yendarama yaaiva nayo muruoko kuna Esita. Esita akaswedera akasvikobata pamusoro petsvimbo iyoyo. Mambo akati kwaari, “Chiiko nhai vahosi vangu Esita? Chiiko chamuri kukumbira? Munochipihwa chete kunyange chikava zvacho chikamu chepakati napakati chaicho choumambo hwangu.” Esita ndokuti, “Kana zvichikufadzai mambo, dai mambo naHamani mukambouyawo nhasi uno kumabiko andaitira imi mambo.” Mambo akabva ati, “Kurumidzai kuunza Hamani tigoitirawo Esita zvaari kuda.” Nokudaro mambo naHamani vakasvika kumabiko akanga aitwa naEsita. Pavaingunonwa zvavo waini, mambo akati kuna Esita, “Chichemo chako ndechipiko? Unotozviitirwa chete, chiiko chauri kukumbira? Kunyange chikava zvacho chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu zvinofanira kuti zvitoitwa.” Asi Esita akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndechichi chokuti; kana imi mambo mandiitirawo tsiye nyoro uye kana zvichikufadzaiwo mambo kuti munzwe chichemo changu mundiitirewo zvandichakukumbirai, dai mambo naHamani vakazouya kumabiko andichakuitirai, mangwana ndopandichazoita zvarehwa namambo.”
Esteri 5:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino pazuʋa recitatu Estere wakafuka ŋguʋo dzake dzoʋuhosi, akandomira paruʋazhe rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo wakaŋga agere pacigaro cake coʋushe paimba yake yoʋushe, pakatarisana nomukoʋa weimba. Ɀino mambo wakati aciʋona ʋahosi Estere amire paruʋazhe, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Estere tȿimbo yendarama yakaŋga iri muruʋoko rwake. Ipapo Estere akasweɗera, akaɓata muromo wetȿimbo. Ɀino mambo akati kwaari: Unoreʋeiko ʋahosi Estere? Unokumbireiko? Ucaɀipiwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. Estere akati: Kana mambo acifara naɀo, mambo naHamani ŋgaʋaʋuye nhasi kumafundo andakamugadzirira. Ipapo mambo akati: Hamani ŋgaacimbidzike, kuti ɀakarebga naEstere ɀiitwe. Naiɀoɀo mambo naHamani ʋakaenda kumafundo akaŋga agadzirwa naEstere. Ɀino mambo akati kunaEstere pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. Ipapo Estere akapindura akati: Kunyeŋgetera kwaŋgu nokukumbira kwaŋgu ndikoku: Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo aciɗa kundipa candinonyeŋgetera, nokuita candinokumbira, mambo naHamani ŋgaʋaʋuye kumafundo andicaʋagadzirira, maŋgwana ndicaita seɀarebga namambo.
Esteri 5:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)