Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esiteri 5:1-8

Esiteri 5:1-8 SNA2002

Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba. Zvino mambo akati achiona vahosi Esiteri amire paruvanze, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama yakanga iri muruoko rwake. Ipapo Esiteri akaswedera, akabata muromo wetsvimbo. Zvino mambo akati kwaari, “Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.” Esiteri akati, “Kana mambo achifara nazvo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumafundo andakamugadzirira.” Ipapo mambo akati, “Hamani ngaachimbidzike, kuti zvarehwa naEsiteri zviitwe.” Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri. Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, “Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.” Ipapo Esiteri akapindura akati, “Kunyengetera kwangu nokukumbira kwangu ndikoku: “Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo achida kundipa chandinonyengetera, nokuita chandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumafundo andichavagadzirira, mangwana ndichaita sezvarehwa namambo.”

Verenga chikamu Esiteri 5