Esteri 4:11-16
Esteri 4:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Vabati vose vamambo navanhu vomunyika dzamambo vanoziva kuti mambo vanongova nomurayiro mumwe wokuti, murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo muruvazhe rwomukati asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa. Anongoraramiswa chete kana mambo atambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kwaari. Asi mazuva makumi matatu atopfuura mushure mokunge ndadaidzwa kuti ndiende kuna mambo.” Mashoko aEsteri akati aziviswa kuna Modhekai, iye akapindura achiti, “Usafunga kuti zvauri mumba mamambo iwe woga pakati pavaJudha uchapunyuka. Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?” Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti, “Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamuchaita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichiparara, ndichaparara hangu.”

Esteri 4:11-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyange murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudanwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudanwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.” Vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri. Ipapo Modhekai akavaraira kuti vapindure Esiteri, vati, “Usati iwe uchapukunyuka mumba mamambo kupfuura vamwe vaJudha vose. Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?” Ipapo Esiteri akaraira kuti vapindure Modhekai, vati, “Endai mukokere vaJudha vose vari paShusha, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kunwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichazvinyima zvokudya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.”
Esteri 4:11-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Machinda ose navanhu vose venyika dzamambo vanoziva kuti kuwana munhu, angave murume kana mukadzi zvake, anopinda muna mambo muimba yomukati asina kutoitwa zvokudaidzwa, kune mutemo mumwechetechete wokuti, pfiro yavo imwecheteyo; vanourayiwa, kusatoti anenge aita zvokutosimudzirwa namambo tsvimbo yendarama youmambo kuitira kuti ararame. Zvino ini handina kumbodaidzwa kuti ndipinde muna mambo mumazuva makumi matatu iwaya.” Vakandotaurirawo Modhekai zvakanga zvarehwa naEsita. Modhekai akavataurira mhinduro yokundopa Esita yokuti, “Chirega zvako kuzviti zvandiri mumuzinda wamambo ndini ndoga munhu achapunyuka pana vamwe vaJudha vose. Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?” Esita akavaudza mhinduro yokundopawo Modhekai yokuti, “Endai mundokokorodza vaJudha vose vamunowana muSusa muti ngakutsanywe muchitsanyireni murege kudya kana kunwa kwamazuva matatu siku nesikati. Iniwo navasikana vangu ndichatsanyawo sezvamuchaita. Ndichazoenda kuna mambo kunyange zvazvo zvisiri pamutemo. Kana ndikaparara ndapararawo zvangu.”
Esteri 4:11-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaranda ʋose ʋamambo naʋanhu ʋamatiʋi enyika dzamambo ʋanoziʋa kuti aninani, kunyaŋge murume kana mukadzi, kana akapinda kunamambo muruʋazhe rwomukati asina‐kuɗanwa, kunoŋgoʋa nomurau mumŋe woga kwaari, kuti aʋurawe; asi kana mambo akamutambunudzira tȿimbo yendarama, ucararama hake; asi ini handina‐kuɗanwa kuti ndipinde kunamambo mazuʋa ano anamakumi matatu. Ʋakaʋudza Mordekai mashoko aEstere. Ipapo Mordekai akaʋaraira kuti ʋapindure Estere, ʋati: Usati iwe ucapukunyuka mumba mamambo kupfuʋura ʋamŋe ʋaJuda ʋose. Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here? Ipapo Estere akaraira kuti ʋapindure Mordekai, ʋati: Endai mukokere ʋaJuda ʋose ʋari paShushani, muɀinyime ɀokudya nokuɗa kwaŋgu; regai kudya kana kunwa mazuʋa matatu, ʋusiku namasikati; neni ʋo naʋasikana ʋaŋgu ticaɀinyima ɀokudya saiɀoɀo; ipapo ndicapinda kunamambo, kunyaŋge ɀisina‐kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara haŋgu.
Esteri 4:11-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)