Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esita 4:11-16

Esita 4:11-16 SCLBD

“Machinda ose navanhu vose venyika dzamambo vanoziva kuti kuwana munhu, angave murume kana mukadzi zvake, anopinda muna mambo muimba yomukati asina kutoitwa zvokudaidzwa, kune mutemo mumwechetechete wokuti, pfiro yavo imwecheteyo; vanourayiwa, kusatoti anenge aita zvokutosimudzirwa namambo tsvimbo yendarama youmambo kuitira kuti ararame. Zvino ini handina kumbodaidzwa kuti ndipinde muna mambo mumazuva makumi matatu iwaya.” Vakandotaurirawo Modhekai zvakanga zvarehwa naEsita. Modhekai akavataurira mhinduro yokundopa Esita yokuti, “Chirega zvako kuzviti zvandiri mumuzinda wamambo ndini ndoga munhu achapunyuka pana vamwe vaJudha vose. Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?” Esita akavaudza mhinduro yokundopawo Modhekai yokuti, “Endai mundokokorodza vaJudha vose vamunowana muSusa muti ngakutsanywe muchitsanyireni murege kudya kana kunwa kwamazuva matatu siku nesikati. Iniwo navasikana vangu ndichatsanyawo sezvamuchaita. Ndichazoenda kuna mambo kunyange zvazvo zvisiri pamutemo. Kana ndikaparara ndapararawo zvangu.”

Verenga chikamu Esita 4