Esteri 2:1-23
Esteri 2:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mezvinhu izvi kutsamwa kwamambo Zekisesi kwapera, akarangarira Vhashiti nezvaakanga aita uye nezvaakanga atema pamusoro pake. Ipapo varanda vamambo vaimushandira vakati, “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka. Mambo ngaagadze nhume munyika dzose dzoumambo hwake kuti vauye navasikana vakanaka munzvimbo inogara vakadzi panhare yeShushani. Ngavachengetwe naHegai, muranda wamambo anoona nezvamadzimai, uye zvinopa runako ngazvipiwe kwavari. Zvino musikana uyo anofadza mambo ngaave vahosi pachinzvimbo chaVhashiti.” Zano iri rakafadza mambo, uye akaita saizvozvo. Zvino munhare yeShushani maiva nomuJudha worudzi rwaBhenjamini, ainzi Modhekai mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, akanga atapwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, ari pakati paavo vakatapwa pamwe chete naJehoyakini mambo weJudha. Modhekai aiva nomwanasikana wasekuru vake ainzi Hadhasa, waakanga arera nokuti akanga asina mai kana baba. Musikana uyu ainziwo Esteri, akanga akanaka kwazvo pachimiro napaunhu, uye Modhekai akanga amutora somwanasikana wake pakufa kwakaita mai vake nababa vake. Zvino murayiro nomutemo wamambo zvakati zvaziviswa, vasikana vazhinji vakauyiswa kunhare yeShushani ndokuiswa pasi paHegai kuti avachengete. NaEsteriwo akatorwa akaiswa mumuzinda wamambo akachengetwa naHegai, aiva muchengeti wenzvimbo yaigara madzimai. Musikana akamufadza akawana nyasha kwaari. Pakarepo akamupa zvinonhuhwira zvinowedzera runako uye nezvokudya zvakatsaurwa. Akamupa vasikana vanomwe vakanga vasarudzwa kubva munhare yamambo ndokumuendesa iye navasikana vake kunzvimbo yakanga yakanakisisa muimba yavakadzi. Esteri akanga asina kutaura rudzi rwake nemhuri yake, kana kwaaibva, nokuti Modhekai akanga amurambidza kuita izvozvo. Zuva rimwe nerimwe aitenderera ari pedyo noruvazhe rwenzvimbo yaigariswa vanhukadzi achida kuona kuti Esteri akadini uye kuti chii chaiitika kwaari. Musikana aifanira kupedza mwedzi gumi nemiviri achizvinatsa nezvinonhuhwira dzoro rake risati rasvika rokupinda kuna mambo Zekisesi sokurongerwa kwaiitirwa vanhukadzi, mwedzi mitanhatu yamafuta emura uye mwedzi mitanhatu yezvinonhuhwira nezvizoro. Zvino aya ndiwo aiva maendero ake kuna mambo: Aipiwa chinhu chipi nechipi chaaida kutora kuti aende nacho kumuzinda wamambo paainge achibva kwaigara vanhukadzi. Ava manheru aipota achiendako uye mangwanani achidzokera kune rimwe kamuri raigara vanhukadzi kwaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo aiva muchengeti wavarongo. Aisadzokerazve kuna mambo kunze kwokunge mambo afadzwa naye akamudaidza nezita. Dzoro raEsteri rakati rasvika (musikana akanga atorwa kuti ave mwana naModhekai, mwanasikana wasekuru vake Abhihairi) rokuenda kuna Mambo, haana chaakakumbira kunze kwezvaakaudzwa naHegai, muranda wamambo aiva mutariri wenzvimbo yaigarwa navanhukadzi. Zvino Esteri akawana nyasha kuna vose vakamuona. Akaendeswa kuna Mambo Zekisesi muimba youmambo mumwedzi wegumi, mwedzi waTibheti, mugore rechinomwe rokutonga kwake. Zvino mambo akayevedzwa naEsteri kupfuura ani naani zvake wavamwe vakadzi, uye akawana nyasha kwaari akagamuchirwa kupfuura ani zvake pakati pedzimwe mhandara. Saka akagadza korona youmambo pamusoro wake akamuita vahosi panzvimbo yaVhashiti. Zvino mambo akaita mabiko makuru, mabiko aEsteri, achiitira makurukota ake ose navabati. Akadaidzira zuva rezororo munyika dzose akagovera zvipo, zvakawanda sezvakakodzera mambo. Mhandara dzakati dzaungana kechipiri, Modhekai akanga akagara pasuo ramambo. Asi Esteri akanga avanza nhoroondo yemhuri yake norudzi rwake sezvaakanga audzwa naModhekai, nokuti akaramba achitevera kurayira kwaModhekai nezvaaisiita acharerwa naye. Panguva iyo Modhekai akanga akagara pasuo ramambo, Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vairinda mukova vakatsamwa ndokubva varangana kuuraya Mambo Zekisesi. Asi Modhekai akazviziva ndokubva audza Esteri nezverangano iyi, iye ndokuzvizivisa kuna mambo, achiti akanga anzwa naModhekai. Zvino shoko iri rakati raferefetwa uye rikawanikwa riri rechokwadi, vabati vaviri ava vakasungirwa pamatanda vakafa. Zvose izvi zvakanyorwa mubhuku renhoroondo pamberi pamambo.
Esteri 2:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shure kwaizvozvo, kutsamwa kwamambo Ahashivheroshi kwakati kwanyarara, akarangarira Vashiti nezvaakaita, nechirevo chakatemwa pamusoro pake. Ipapo varanda vamambo vaimubatira, vakati, “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka; mambo ngaaise vatariri pamativi ose oushe hwake, vaunganidze mhandara dzose dzakanaka paShusha nhare yamambo, paimba yavakadzi, vachengetwe naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi; vapiwewo zvavangazvinatsa nazvo. “Zvino musikana unofarirwa namambo ngaave vahosi panzvimbo yaVashiti.” Izvozvo zvikafadza mambo, akaita saizvozvo. Zvino paShusha panhare yamambo pakanga panomuJudha, ainzi Modhekai, mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, muBhenjamini, akanga atapwa Jerusaremu, pamwechete navatapwa vakanga vatapwa naJekonia mambo waJudha, wakanga atapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi. Iye akanga arera Hadhasha, ndiye Esiteri, mukunda wababamunini wake; nokuti akanga asina baba namai; zvino musikana uyu akanga akanaka paumiro hwake napachiso chake; pakufa kwababa vake namai vake Modhekai ndokumutora, akamuita mukunda wake. Zvino murayiro wamambo nechirevo chake zvakati zvanzwika, vasikana vazhinji vakaunganidzwa paShusha nhare yamambo, pavaichengetwa naHegai, Esiteri akatorwawo, akaiswa mumba mamambo, akachengetwa naHegai mutariri wavakadzi. Musikana uyu akamufadza, akanzwirwa tsitsi naye, akachimbidzika kumupa zvaangazvinatsa nazvo, nemigove yake yezvokudya uye vasikana vanomwe vaakafanira kupiwa, vaibva paimba yamambo; akamuisa iye navasikana vake pakanga pakaisvonaka paimba yavakadzi. Asi Esiteri akanga asina kuvazivisa rudzi rwake nehama dzake; nokuti Modhekai akanga amuraira, kuti arege kuvazivisa izvozvo. Zvino Modhekai aifamba pamberi poruvanze rweimba yavakadzi mazuva ose, agoziva kuti Esiteri akadini, uye kuti vachaitei naye. Zvino dzoro romusikana mumwe nomumwe rakati richisvika kupinda kuna mambo Ahashivheroshi, kana aitirwa zvose nomurayiro wavakadzi mwedzi ine gumi nemiviri, (nokuti mazuva okunatswa kwavo akapera kudai: mwedzi mitanhatu vachizora mafuta emura, mwedzi mitanhatu zvinonhuwira, uye zvimwe zvinhu zvokunatsa vakadzi nazvo,) zvino musikana akapinda nomutoo akadaro kuna mambo, uye chinhu chipi nechipi chaaida aichipiwa, kuti abude nacho paimba yavakadzi, apinde mumba mamambo. Aienda madekwana, ndokudzokera mangwana kuimba yechipiri yavakadzi, paaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo, aichengeta varongo; haazaipindazve kuna mambo, asi kana achinge afarirwa namambo, akadanwa nezita rake. Zvino dzoro raEsiteri mukunda waAbhihairi, babamunini vaModhekai, akanga amutora akamuita mukunda wake, rakati richisvika rokupinda kuna mambo, haana kukumbira chinhu asi izvo bedzi zvakanga zvarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi. Zvino Esiteri akanzwirwa tsitsi navose vaimuona. Naizvozvo Esiteri akaiswa kuna mambo Ahashivheroshi muimba yake youshe nomwedzi wegumi, ndiwo mwedzi weTebheti, pagore rechinomwe rokubata kwake ushe. Mambo akada Esiteri kupfuura vamwe vakadzi vose, akanzwira tsitsi nounyoro naye kupfuura dzimwe mhandara dzose; naizvozvo akaisa korona youhosi pamusoro wake, akamuita vahosi panzvimbo yaVashiti. Ipapo mambo akaitira machinda ake ose navaranda vake vose mutambo mukuru, uri mutambo waEsiteri; akaraira zororo pamativi enyika, akagovera zvipo, mambo asinganyimi napaduku. Zvino pakuunganidzwa kwemhandara rwechipiri, Modhekai akanga agere pasuo ramambo. Esiteri akanga achigere kuvazivisa hama dzake kana rudzi rwake, sezvaakarairwa naModhekai; nokuti Esiteri akateerera murayiro waModhekai, sezvaaisiita acharerwa naye. Zvino pamazuva iwayo Modhekai agere pasuo ramambo, varanda vaviri vamambo, Bhigitani naTereshi, pakati pavarindi vomukova, vakatsamwa vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi. Chinhu icho chikazikanwa naModhekai, iye ndokuzivisa vahosi Esiteri, Esiteri akandoudza mambo nezita raModhekai. Zvino vakati vachinzvera chinhu icho, vakawana kuti zvirokwazvo, vose vari vaviri vakasungirirwa pamuti; zvikanyorwa mubhuku yamakoronike pamberi pamambo.
Esteri 2:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi izvi, hasha dzamambo Ahasuerusi dzaserera, akayeuka Vhashiti nezvaakanga aita uye nechirango chaakanga atemerwa. Makurukota amambo vaimushandira vakati, “Dai mambo akatsvakirwa vasikana mhandara dzinotarisika zvakanaka. Mambo ngaasarudze mamwe machinda munyika dzose dzoumambo hwake vaunganidze vasikana vacho, mhandara dzakanaka idzodzo kumba yavanhukadzi kuguta reSusa, guta guru romuzinda wamambo, vave mumaoko aHegai muyuniki wamambo ane basa rokuona nezvevanhukadzi vagopiwa mafuta avo okuzora. Mhandara inenge yafarirwa namambo ngaive iyo vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti.” Izvi zvakafadza mambo vakaita saizvozvo. Guta reSusa, guta guru romuzinda wamambo maiva nomumwe murume muJudha ainzi Modhekai mwana waJairi mwana waShimei ari mwanawo waKishi wedzinza rokwaBhenjamini. Modhekai uyu akanga atakurwa kuJerusaremu mukati menhapwa dziye dzokuendwa nadzo pamwechete naJekoniya mambo wokwaJudha akatapwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi. Modhekai ndiye akarera Hadhasa, ainziwo Esita mwanasikana wababamunini vake nokuti akanga ava nherera isina baba kana amai. Musikana iyeyu akanga ari musikana aitarisika zvakanaka ane chimiro chinoyevedza. Pakafa baba namai vake, Modhekai ndiye akasara ava kumurera ava kumuona semwanasikana wake. Zvino pakanga pachiparidzwa chirevo chamambo chiya uye vasikana vazhinji pavakanga vaungana muguta reSusa, guta romuzinda, vava mumaoko aHegai, Esita akaendwa naye mumuzinda wamambo akaiswawo mumaoko aHegai aiva nebasa rokuona nezvevanhukadzi. Mhandara iyi yakafarirwa naHegai akabva ava kumuitira zvakanaka. Akakurumidza kumupa mafuta akewo okuzora nomugove wake wechokudya navasikana vanomwe shasha chaidzo dzomumuzinda wamambo, akamukwiridzira iye navasikana vake akamuendesa kwakanakisisa kwazvo mumba yavanhukadzi. Esita akanga asina kuvaudza rudzi rwake kana hama dzake nokuti Modhekai akanga amukohomedza kuti asabudise izvozvo pachena. Zuva nezuva Modhekai aifamba-famba pamberi penhandare yemba yavanhukadzi kuti anzwe kuti Esita akadii, uye kuti zvaimufambira sei. Musikana woga woga aiva nechijana chake chokupinda muna mambo Ahasuerusi. Pamurawo waisunga nezvavanhukadzi ivavo, kupindamo, aitozopinda kwapera mwedzi gumi nemiviri nokuti ndiyo nguva yacho yavaipedza yokuzvivandudza nayo runako, vaiita mwedzi mitanhatu namafuta emura, vozoitawo mimwezve mwedzi mitanhatu vaine twokurungisa tunonhuwirira namafuta okuzora echikadzi. Musikana paaizopinda muna mambo saizvozvi chaainge ada kuti ave nacho aipiwa chokuenda nacho chichibva kumba yavanhukadzi achienda kumuzinda wamambo. Aiendako manheru, mangwana mangwanani aizodzoka osvikira mumba yechipiri yavanhukadzi ova mumaoko aShaashigazi mumwe muyuniki wamambo aiva nebasa rokuona nezvevarongo vamambo. Akanga asingazobvumidzwazve kupinda muna mambo asi kutoti mambo atofadzwa zvake naye uye atoita zvokudaidzwa nezita. Pakasvika chijana chaEsita, mwanasikana waAbhihairi babamunini vaModhekai; uya akasara omurera somwanasikana wake chokuti achindopindawo muna mambo, hapana chaakakumbira kunze kwezvaakanyeurirwa naHegai muyuniki wamambo aive nebasa rokuchengeta vakadzi. Esita aiyemurwa nomunhu wose aimuona. Esita, paakaendwa naye kuna mambo Ahasuerusi mumuzinda waiye mambo, uri mwedzi wegumi, mwedzi waTebheti mugore rechinomwe rokutonga kwaAhasuerusi, mambo akada Esita kupinda vakadzi vose. Akatorwa mwoyo naye akamufarira kupinda dzimwe mhandara dzose. Nokudaro akamudzika mumusoro ndaza youmambo akabva amuita vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti. Mambo akaitira machinda namakurukota ake mabiko makuru kwazvo ari mabiko aEsita. Akaderedza mutero munyika dzose akapawo matutu matutu ezvipo samapiro anoita mambo. Pakazoungana mhandara dziye kechipiri, Modhekai ndiye akanga ava wokugaririra pasuo guru ramambo. Izvozvo Esita akanga asati ambotaurira vanhu rudzi rwake kana kuti hama dzake ndavanaani sokurayirwa kwaakaitwa naModhekai. Zvaivapo ndezvokuti, Esita uyu aizoteerera Modhekai sezvaaingoita pavaimurera. Mumazuva iwayo ainge Modhekai ariye wokugaririra pasuo guru rokwamambo, Bhigitani naTereshi vamwe vayuniki vaigaririra kusuo guru vakashatirwa vakafunga zvokupfuudza mambo Ahasuerusi. Nyaya iyoyi yakasvikawo munzeve dzaModhekai akabva aruma nzeve vahosi, Esita, Esita ndokubvawo abayira mambo zani muzita raModhekai. Pazvakatsvagurudzwa zvikaonekwa kuti ndizvo, varume ivava vose vari vaviri vakaurayiwa vachiita zvokusungirirwa mumuti, zvikanyorwawo muBhuku reNhoroondo mambo aripo.
Esteri 2:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shure kwaiɀoɀo, kutsamŋa kwamambo Ahashveroshi kwakati kwanyarara, akaraŋgarira Vashti neɀaakaita, necireʋo cakatemŋa pamsoro pake. Ipapo ʋaranda ʋamambo ʋaimuɓatira, ʋakati: Mambo ŋgaatȿakirwe mhandara dzakanaka; mambo ŋgaaise ʋatariri pamatiʋi ose oʋushe bgake, ʋaʋuŋganidze mhandara dzose dzakanaka paShushani nhare yamambo, paimba yaʋakadzi, ʋaceŋgetwe naHegai muranda wamambo, mutariri waʋakadzi; ʋapiwe ʋo ɀaʋaŋgaɀinatsa naɀo; ɀino musikana unofarirwa namambo ŋgaaʋe ʋahosi panɀimbo yaVashti. Iɀoɀo ɀikafadza mambo, akaita saiɀoɀo. Ɀino paShushani panhare yamambo pakaŋga panomuJuda, wainzi Mordekai, mŋanakomana waJairi, mŋanakomana waShimei, mŋanakomana waKishi, muBenjamini, wakaŋga atapxa Jerusarema, pamŋe cete naʋatapxa ʋakaŋga ʋatapxa naJekonia mambo waJuda, wakaŋga atapxa naNebukadnezari mambo weBabironi. Iye wakaŋga arera Hadasa, ndiye Estere, mukunda waɓaɓamunini wake; nokuti wakaŋga asinaɓaɓa namai; ɀino musikana uyu wakaŋga akanaka paʋumiro bgake napaciso cake; pakufa kwaɓaɓa ʋake namai ʋake Mordekai ndokumutora, akamuita mukunda wake. Ɀino murairo wamambo necireʋo cake ɀakati ɀanzwika, ʋasikana ʋazhinji ʋakaʋuŋganidzwa paShushani nhare yamambo, paʋaiceŋgetwa naHegai, Estere akatorwa ʋo, akaiswa mumba mamambo, akaceŋgetwa naHegai mutariri waʋakadzi. Musikana uyu akamufadza, akanzwirwa tsitsi naye, akacimbidzika kumupa ɀaaŋgaɀinatsa naɀo, nemigoʋe yake yeɀokudya ʋuye ʋasikana ʋanomŋe ʋaakafanira kupiwa, ʋaibva paimba yamambo; akamuisa iye naʋasikana ʋake pakaŋga pakaiȿo‐naka paimba yaʋakadzi. Asi Estere wakaŋga asina‐kuʋaziʋisa rudzi rwake nehama dzake; nokuti Mordekai wakaŋga amuraira, kuti arege kuʋaziʋisa iɀoɀo. Ɀino Mordekai waifamba pamberi poruʋazhe rweimba yaʋakadzi mazuʋa ose, agoziʋa kuti Estere wakaɗini, ʋuye kuti ʋacaitei naye. Ɀino dzoro romusikana mumŋe nomumŋe rakati riciȿika kupinda kunamambo Ahashveroshi, kana aitirwa ɀose nomurairo waʋakadzi mŋedzi inegumi nemiʋiri, (nokuti mazuʋa okunatswa kwaʋo akapera kuɗai: Mŋedzi mitanhatu ʋacizora mafuta emura, mŋedzi mitanhatu ɀinonhuwira, ʋuye ɀimŋe ɀinhu ɀokunatsa ʋakadzi naɀo,) ɀino musikana akapinda nomutoʋo wakaɗaro kunamambo, ʋuye cinhu cipi necipi caaiɗa waicipiwa, kuti aɓuɗe naco paimba yaʋakadzi, apinde mumba mamambo. Waienda maɗekwana, ndokudzokera maŋgwana kuimba yecipiri yaʋakadzi, paaiceŋgetwa naShaashgazi, muranda wamambo, waiceŋgeta ʋaroŋgo; haazaipinda ɀe kunamambo, asi kana aciŋge afarirwa namambo, akaɗanwa nezita rake. Ɀino dzoro raEstere mukunda waAbihairi, ɓaɓamunini ʋaMordekai, wakaŋga amutora akamuita mukunda wake, rakati riciȿika rokupinda kunamambo, haana‐kukumbira cinhu asi iɀo ɓedzi ɀakaŋga ɀarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri waʋakadzi. Ɀino Estere akanzirwa tsitsi naʋose ʋaimuʋona. Naiɀoɀo Estere akaiswa kunamambo Ahashveroshi muimba yake yoʋushe nomŋedzi wegumi, ndiwo mŋedzi weTebeti, pagore recinomŋe rokuɓata kwake ʋushe. Mambo akaɗa Estere kupfuʋura ʋamŋe ʋakadzi ʋose, akanzwirwa tsitsi noʋunyoro naye kupfuʋura dzimŋe mhandara dzose; naiɀoɀo akaisa korona yoʋuhosi pamusoro wake, akamuita ʋahosi panɀimbo yaVashti. Ipapo mambo akaitira macinda ake ose naʋaranda ʋake ʋose mutambo mukuru, uri mutambo waEstere; akaraira zororo pamatiʋi enyika, akagoʋera ɀipo, mambo asiŋganyimi napaɗuku. Ɀino pakuʋuŋganidzwa kwemhandara rwecipiri, Mordekai wakaŋga agere pasuʋo ramambo. Estere wakaŋga acigere kuʋaziʋisa hama dzake kana rudzi rwake, seɀaakarairwa naMordekai; nokuti Estere wakaterera murairo waMordekai, seɀaaisiita acarerwa naye. Ɀino pamazuʋa iwayo Mordekai agere pasuʋo ramambo, ʋaranda ʋaʋiri ʋamambo, Bigtani naTereshi, pakati paʋarindi ʋomukoʋa, ʋakatsamŋa ʋakatȿaka kuʋuraya mambo Ahashveroshi. Cinhu ico cikazikanwa naMordekai, iye ndokuziʋisa ʋahosi Estere, Estere akandoʋudza mambo nezita raMordekai. Ɀino ʋakati ʋacinɀera cinhu ico, ʋakawana kuti ɀirokwaɀo, ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakasuŋgirirwa pamuti; ɀikanyorwa mubuku yamakoronike pamberi pamambo.
Esteri 2:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)