Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esita 2:1-23

Esita 2:1-23 SCLBD

Mushure maizvozvi izvi, hasha dzamambo Ahasuerusi dzaserera, akayeuka Vhashiti nezvaakanga aita uye nechirango chaakanga atemerwa. Makurukota amambo vaimushandira vakati, “Dai mambo akatsvakirwa vasikana mhandara dzinotarisika zvakanaka. Mambo ngaasarudze mamwe machinda munyika dzose dzoumambo hwake vaunganidze vasikana vacho, mhandara dzakanaka idzodzo kumba yavanhukadzi kuguta reSusa, guta guru romuzinda wamambo, vave mumaoko aHegai muyuniki wamambo ane basa rokuona nezvevanhukadzi vagopiwa mafuta avo okuzora. Mhandara inenge yafarirwa namambo ngaive iyo vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti.” Izvi zvakafadza mambo vakaita saizvozvo. Guta reSusa, guta guru romuzinda wamambo maiva nomumwe murume muJudha ainzi Modhekai mwana waJairi mwana waShimei ari mwanawo waKishi wedzinza rokwaBhenjamini. Modhekai uyu akanga atakurwa kuJerusaremu mukati menhapwa dziye dzokuendwa nadzo pamwechete naJekoniya mambo wokwaJudha akatapwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi. Modhekai ndiye akarera Hadhasa, ainziwo Esita mwanasikana wababamunini vake nokuti akanga ava nherera isina baba kana amai. Musikana iyeyu akanga ari musikana aitarisika zvakanaka ane chimiro chinoyevedza. Pakafa baba namai vake, Modhekai ndiye akasara ava kumurera ava kumuona semwanasikana wake. Zvino pakanga pachiparidzwa chirevo chamambo chiya uye vasikana vazhinji pavakanga vaungana muguta reSusa, guta romuzinda, vava mumaoko aHegai, Esita akaendwa naye mumuzinda wamambo akaiswawo mumaoko aHegai aiva nebasa rokuona nezvevanhukadzi. Mhandara iyi yakafarirwa naHegai akabva ava kumuitira zvakanaka. Akakurumidza kumupa mafuta akewo okuzora nomugove wake wechokudya navasikana vanomwe shasha chaidzo dzomumuzinda wamambo, akamukwiridzira iye navasikana vake akamuendesa kwakanakisisa kwazvo mumba yavanhukadzi. Esita akanga asina kuvaudza rudzi rwake kana hama dzake nokuti Modhekai akanga amukohomedza kuti asabudise izvozvo pachena. Zuva nezuva Modhekai aifamba-famba pamberi penhandare yemba yavanhukadzi kuti anzwe kuti Esita akadii, uye kuti zvaimufambira sei. Musikana woga woga aiva nechijana chake chokupinda muna mambo Ahasuerusi. Pamurawo waisunga nezvavanhukadzi ivavo, kupindamo, aitozopinda kwapera mwedzi gumi nemiviri nokuti ndiyo nguva yacho yavaipedza yokuzvivandudza nayo runako, vaiita mwedzi mitanhatu namafuta emura, vozoitawo mimwezve mwedzi mitanhatu vaine twokurungisa tunonhuwirira namafuta okuzora echikadzi. Musikana paaizopinda muna mambo saizvozvi chaainge ada kuti ave nacho aipiwa chokuenda nacho chichibva kumba yavanhukadzi achienda kumuzinda wamambo. Aiendako manheru, mangwana mangwanani aizodzoka osvikira mumba yechipiri yavanhukadzi ova mumaoko aShaashigazi mumwe muyuniki wamambo aiva nebasa rokuona nezvevarongo vamambo. Akanga asingazobvumidzwazve kupinda muna mambo asi kutoti mambo atofadzwa zvake naye uye atoita zvokudaidzwa nezita. Pakasvika chijana chaEsita, mwanasikana waAbhihairi babamunini vaModhekai; uya akasara omurera somwanasikana wake chokuti achindopindawo muna mambo, hapana chaakakumbira kunze kwezvaakanyeurirwa naHegai muyuniki wamambo aive nebasa rokuchengeta vakadzi. Esita aiyemurwa nomunhu wose aimuona. Esita, paakaendwa naye kuna mambo Ahasuerusi mumuzinda waiye mambo, uri mwedzi wegumi, mwedzi waTebheti mugore rechinomwe rokutonga kwaAhasuerusi, mambo akada Esita kupinda vakadzi vose. Akatorwa mwoyo naye akamufarira kupinda dzimwe mhandara dzose. Nokudaro akamudzika mumusoro ndaza youmambo akabva amuita vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti. Mambo akaitira machinda namakurukota ake mabiko makuru kwazvo ari mabiko aEsita. Akaderedza mutero munyika dzose akapawo matutu matutu ezvipo samapiro anoita mambo. Pakazoungana mhandara dziye kechipiri, Modhekai ndiye akanga ava wokugaririra pasuo guru ramambo. Izvozvo Esita akanga asati ambotaurira vanhu rudzi rwake kana kuti hama dzake ndavanaani sokurayirwa kwaakaitwa naModhekai. Zvaivapo ndezvokuti, Esita uyu aizoteerera Modhekai sezvaaingoita pavaimurera. Mumazuva iwayo ainge Modhekai ariye wokugaririra pasuo guru rokwamambo, Bhigitani naTereshi vamwe vayuniki vaigaririra kusuo guru vakashatirwa vakafunga zvokupfuudza mambo Ahasuerusi. Nyaya iyoyi yakasvikawo munzeve dzaModhekai akabva aruma nzeve vahosi, Esita, Esita ndokubvawo abayira mambo zani muzita raModhekai. Pazvakatsvagurudzwa zvikaonekwa kuti ndizvo, varume ivava vose vari vaviri vakaurayiwa vachiita zvokusungirirwa mumuti, zvikanyorwawo muBhuku reNhoroondo mambo aripo.

Verenga chikamu Esita 2