VaEfeso 4:7-16
VaEfeso 4:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu. Ndokusaka zvichinzi: “Paakakwira kudenga, akatungamirira dungwe renhapwa uye akapa zvipo kuvanhu vake.” (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi penyika? Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.) Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi, kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe kudzamara isu tose tasvika pahumwe mukutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu. Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo. Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo.
VaEfeso 4:7-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu. Naizvozvo anoti, “Akakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo.” Zvino kuti, “Akakwira, chinyiko,” asi kuti, akaburukawo kumativi ari pasi penyika? Akaburuka ndiye akakwirawo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose. Zvino akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe vaporofita, vamwe vaparidzi, vamwe vafudzi navadzidzisi; kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu; kudzamara isu tose tisvike paumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero choukuru hokuzara kwaKristu; kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera; asi tireve chokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro; muviri wose wakasanganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzinosimbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata basa nechiyero chawo kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.
VaEfeso 4:7-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha zvichienderana nokukura kwechipo chaakapiwa naKristu. Saizvozvo zvinonzi, “Paakakwira kumusoro akatungamirira gurusvusvu ravasungwa akapa zvipo kuvanhu.” Ko, kuti akakwira kumusoro kunoreva kuti kudii? Kunorevawo kuti akambodzika pasi pasi penyika. Iye akadzika ndiyewo akakwira kumusorosoro kwamatenga ose kuti azadze zvinhu zvose. Zvipo zvake zvaiva zvokuti vamwe vave vapositori, vamwewo vave vaporofita uye vamwe vave vaparidzi veShoko Rakanaka, vamwe vari vafudzi, vamwe vari vadzidzisi kuti vatsvene vawaniswe ruzivo rwebasa rezvokwaMwari kuti muviri waKristu uumbwe kusvikira tose tave vamwechete muchitendero nomukuziva Mwanakomana waMwari kusvikira tave vanhu vabve zano kusvikira tava nechimiro chaKristu chizere. Izvi zvinoita kuti tirege kuramba tiri vana vanoitwa sukunasai vanongopeperetswa kose kose nechidzidziso chipi nechipi choujarijari hwavanhu nokusvinuka kwavo muunyengedzi. Asi, zvirinani kutaura chokwadi murudo. Tinofanira kukura muna zvose maari iye musoro, Kristu. Ndiye anoita kuti muviri wose ukure uchizviumba murudo wakabatana uye wakarukana nenhengo dzose dzauinadzo chero nhengo imwe neimwe ichiita basa rayo zvakanaka.
VaEfeso 4:7-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi mumŋe nomumŋe weɗu wakapiwa nyasha neciyero cecipo caKristu. Naiɀoɀo unoti: Wakakwira kumsoro akatapa ʋatapxa, Akapa ʋanhu ɀipo. (Ɀino kuti: Wakakwira, cinyiko, asi kuti, wakaɓuruka ʋo kumatiʋi ari pasi penyika? Wakaɓuruka ndiye wakakwira ʋo kumsoro‐soro kweɗeŋga rose, kuti azadzise ɀose). Ɀino wakapa ʋamŋe kuti ʋaʋe ʋaapostora, ʋamŋe ʋaprofita, ʋamŋe ʋaevaŋgeri, ʋamŋe ʋafudzi naʋadzidzisi; kuti ʋatȿene ʋakwanisirwe ɓasa raʋo rokushumira, nerokuʋaka muʋiri waKristu; kudzimana isu tose tiȿike paʋumŋe bgokutenda nokuziʋa Mŋanakomana waMŋari, napamunhu wakura, napaciyero coʋukuru bgokuzara kwaKristu; kuti tirege kuramba ticiŋgoʋa ʋacece, ticizunuŋguswa nokudziŋgwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyeŋgera kwaʋanhu, namano, kuti ʋatsause nokunyeŋgera; asi tireʋe ɀokwaɗi muruɗo, tigokura maari paɀose, iye Kristu, Musoro; muʋiri wose wakasoŋganiswa ɀakanaka maari nokuɓatanidzwa nenheŋgo dzose dzinosimbisa, mutezo mumŋe nomumŋe uciɓata neciyero cawo, kuti muʋiri ukuriswe pakuʋakwa kwawo muruɗo.
VaEfeso 4:7-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)