VaEfeso 4:4-8
VaEfeso 4:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pano muviri mumwe chete noMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa, Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe; Mwari mumwe naBaba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose. Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu. Ndokusaka zvichinzi: “Paakakwira kudenga, akatungamirira dungwe renhapwa uye akapa zvipo kuvanhu vake.”
VaEfeso 4:4-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yokudanwa kwenyu; Ishe mumwe, nokutenda kumwe; norubhabhatidzo rumwe, naMwari mumwe, naBaba vavose, ari pamusoro pavose, anoshanda muna vose, ari mukati mavose. Asi mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu. Naizvozvo anoti, “Akakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo.”
VaEfeso 4:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunongova nomuviri mumwechete naMweya mumwechete sokudaidzirwa kwamakaitwa chitarisiro chimwechete pamakadaidzwa. Kuna Tenzi mumwechete nechitendero chimwechete noruombeko rumwechete. Kuna Mwari mumwechete Baba vedu tose vari pamusoro pavose vanoshanda nomuna vose uye muna vose. Mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha zvichienderana nokukura kwechipo chaakapiwa naKristu. Saizvozvo zvinonzi, “Paakakwira kumusoro akatungamirira gurusvusvu ravasungwa akapa zvipo kuvanhu.”
VaEfeso 4:4-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunomuʋiri mumŋe, noMŋeya mumŋe, seɀamakaɗanwa ʋo mutariro imŋe yokuɗanwa kwenyu; Ishe mumŋe, nokutenda kumŋe, norubapatidzo rumŋe, naMŋari mumŋe, naƂaɓa ʋaʋose, uri pamsoro paʋose, unoɓata naʋose, uri mukati maʋose. Asi mumŋe nomumŋe weɗu wakapiwa nyasha neciyero cecipo caKristu. Naiɀoɀo unoti: Wakakwira kumsoro akatapa ʋatapxa, Akapa ʋanhu ɀipo.
VaEfeso 4:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)