VaEfeso 4:26-31
VaEfeso 4:26-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa, uye musapa dhiabhori mukana. Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa. Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa. Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa. Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose.
VaEfeso 4:26-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; musapa Dhiabhori nzvimbo. Akaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa anoshaiwa. Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa. Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa. Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri
VaEfeso 4:26-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa muchipa Dhiabhori mukana. Mbavha ngaachirega kuba ichiita basa kwaro namaoko ayo [rinoiraramisa] kuti ibatsire vasina chokubata. Mumuromo menyu ngamurege kubuda mazwi akaora asi mazwi ayo chete anovaka anofambirana nezviripo kuti ape chikomborero vanenge vakateerera. Muregewo kutsamwisa Mweya Mutsvene waMwari nokuti ndiye wamakapiwa naye rupawo kuitira zuva reruponeso. Bvisai mamuri nduramwa dzose nokutsamwa, nehasha nokupopota namakuhwa nouipi hwose.
VaEfeso 4:26-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tsamŋai, musiŋgatadzi; zuʋa ŋgarirege kuʋira mucakatsamŋa; musapa Diaborosi nɀimbo. Wakaɓa, ŋgaarege kuɓa ɀe; asi ɀirinani kuti atambudzike, aɓate namaʋoko ake ɓasa rakanaka, kuti aʋe necaaŋgapa unoshaiwa. Mumuromo menyu murege kuɓuɗa shoko rakaʋora, asi rakanaka, riŋgasimbisa pakafanira, riʋigire nyasha aʋo ʋanonzwa. Regai kucemedza Mŋeya Mutȿene waMŋari, wamakaisirwa cisimbiso maari kuȿikira pazuʋa rokudzikinurwa. Shuŋgu dzose, nokutsamŋa, nehasha, nokupopota, nokutuka, neɀakaipa ɀose, ŋgaɀibviswe kwamuri
VaEfeso 4:26-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)