VaEfeso 4:21-26
VaEfeso 4:21-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri chokwadi muna Jesu: kuti pamufambiro wenyu wokutanga mubvise munhu wekare; unoodzwa nokuchiva kwokunyengetera; muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, mupfeke munhu mutsva, akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi. Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe. Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa
VaEfeso 4:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu. Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene. Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa

VaEfeso 4:21-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makanzwaka imi nezvake mukadzidziswa maaari chokwadi sezvachiri muna Jesu. Chibvisai humunhu hwenyu homugariro wenyu wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, muvandudzwe patsva mumweya nomupfungwa dzenyu, mupfeke unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi. Naizvozvo chikandai pasi nhema, munhu oga oga ataure chokwadi kuno mumwe wake nokuti tiri mutezo womumwe nomumwe wedu. Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa
VaEfeso 4:21-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri ɀokwaɗi munaJesu: kuti pamufambire wenyu wokutaŋga mubvise munhu wekare, unoʋodzwa nokuciʋa kwokunyeŋgera; muʋandudzwe mumŋeya wokuraŋgarira kwenyu, mufuke munhu mutȿa, wakasikwa akafanana naMŋari pakururama, noʋutȿene bgeɀokwaɗi. Naiɀoɀo bvisai nhema, mutaure ɀokwaɗi, mumŋe nomumŋe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumŋe womumŋe. Tsamŋai, musiŋgatadzi; zuʋa ŋgarirege kuʋira mucakatsamŋa
VaEfeso 4:21-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)