VaEfeso 4:2-7
VaEfeso 4:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare. Pano muviri mumwe chete noMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa, Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe; Mwari mumwe naBaba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose. Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.
VaEfeso 4:2-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuzvininipisa kwose nounyoro, nomwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo; muchishingaira kuchengeta umwe hwoMweya muchisungo chorugare. Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yokudanwa kwenyu; Ishe mumwe, nokutenda kumwe; norubhabhatidzo rumwe, naMwari mumwe, naBaba vavose, ari pamusoro pavose, anoshanda muna vose, ari mukati mavose. Asi mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.
VaEfeso 4:2-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ivai nemwoyo wokuzvirereka nemwoyo munyoro nemwoyo murefu muchitirirana zvine rudo muine shungu dzokuchengetedza Mweya wokubatana kwamakaita makasunganidzwa norugare. Kunongova nomuviri mumwechete naMweya mumwechete sokudaidzirwa kwamakaitwa chitarisiro chimwechete pamakadaidzwa. Kuna Tenzi mumwechete nechitendero chimwechete noruombeko rumwechete. Kuna Mwari mumwechete Baba vedu tose vari pamusoro pavose vanoshanda nomuna vose uye muna vose. Mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha zvichienderana nokukura kwechipo chaakapiwa naKristu.
VaEfeso 4:2-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuɀininipisa kwose noʋunyoro, nomŋoyo murefu, muciitirana mŋoyo murefu muruɗo; mucishiŋgaira kuceŋgeta ʋumŋe bgoMŋeya mucisuŋgo corugare. Kunomuʋiri mumŋe, noMŋeya mumŋe, seɀamakaɗanwa ʋo mutariro imŋe yokuɗanwa kwenyu; Ishe mumŋe, nokutenda kumŋe, norubapatidzo rumŋe, naMŋari mumŋe, naƂaɓa ʋaʋose, uri pamsoro paʋose, unoɓata naʋose, uri mukati maʋose. Asi mumŋe nomumŋe weɗu wakapiwa nyasha neciyero cecipo caKristu.
VaEfeso 4:2-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)