VaEfeso 4:17-27
VaEfeso 4:17-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo. Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo. Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda. Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo. Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu. Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene. Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa, uye musapa dhiabhori mukana.
VaEfeso 4:17-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi muna Ishe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo; vakazvipa vasina hanya kuutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nookuchiva. Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo, kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri chokwadi muna Jesu: kuti pamufambiro wenyu wokutanga mubvise munhu wekare; unoodzwa nokuchiva kwokunyengetera; muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, mupfeke munhu mutsva, akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi. Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe. Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; musapa Dhiabhori nzvimbo.
VaEfeso 4:17-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino izvi ndizvo zvandinotaura ndichisimbisisa kwazvo muzita raTenzi kuti hamufaniri kunge muchagara savahedheni nepfungwa dzavo dzisina maturo. Pfungwa dzavo dziri murima. Vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari pamusana pokushaya ruzivo kuri mavari nokuda kokuomarara kwavo komwoyo yavo. Havasisina nyadzi; kana kuzvibata uye vanamakaro. Hazvisiri izvo zvamakadzidza pana Kristu. Makanzwaka imi nezvake mukadzidziswa maaari chokwadi sezvachiri muna Jesu. Chibvisai humunhu hwenyu homugariro wenyu wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, muvandudzwe patsva mumweya nomupfungwa dzenyu, mupfeke unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi. Naizvozvo chikandai pasi nhema, munhu oga oga ataure chokwadi kuno mumwe wake nokuti tiri mutezo womumwe nomumwe wedu. Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa muchipa Dhiabhori mukana.
VaEfeso 4:17-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ndinoreʋa nokupupura cinhu ici munaShe, ndiciti, musaramba mucifamba saʋahedeni, ʋanofamba ʋo noʋupenzi bgokuraŋgarira kwaʋo, ʋakaȿiɓirwa pakunzwisisa kwaʋo, ʋari ʋatorwa paʋupenyu bgaMŋari nokuɗa kwokusaziʋa kuri mukati maʋo, nokuɗa kwoʋukukutu bgomŋoyo yaʋo; ʋakaɀipa ʋasinehanya kuʋutere, kuti ʋaɓate maɓasa ose etȿina nokuciʋa. Asi imi hamuna‐kudzidza Kristu saiɀoɀo, kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri ɀokwaɗi munaJesu: kuti pamufambire wenyu wokutaŋga mubvise munhu wekare, unoʋodzwa nokuciʋa kwokunyeŋgera; muʋandudzwe mumŋeya wokuraŋgarira kwenyu, mufuke munhu mutȿa, wakasikwa akafanana naMŋari pakururama, noʋutȿene bgeɀokwaɗi. Naiɀoɀo bvisai nhema, mutaure ɀokwaɗi, mumŋe nomumŋe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumŋe womumŋe. Tsamŋai, musiŋgatadzi; zuʋa ŋgarirege kuʋira mucakatsamŋa; musapa Diaborosi nɀimbo.
VaEfeso 4:17-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)