VaEfeso 4:13-16
VaEfeso 4:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kudzamara isu tose tasvika pahumwe mukutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu. Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo. Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo.
VaEfeso 4:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kudzamara isu tose tisvike paumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero choukuru hokuzara kwaKristu; kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera; asi tireve chokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro; muviri wose wakasanganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzinosimbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata basa nechiyero chawo kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.
VaEfeso 4:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
kusvikira tose tave vamwechete muchitendero nomukuziva Mwanakomana waMwari kusvikira tave vanhu vabve zano kusvikira tava nechimiro chaKristu chizere. Izvi zvinoita kuti tirege kuramba tiri vana vanoitwa sukunasai vanongopeperetswa kose kose nechidzidziso chipi nechipi choujarijari hwavanhu nokusvinuka kwavo muunyengedzi. Asi, zvirinani kutaura chokwadi murudo. Tinofanira kukura muna zvose maari iye musoro, Kristu. Ndiye anoita kuti muviri wose ukure uchizviumba murudo wakabatana uye wakarukana nenhengo dzose dzauinadzo chero nhengo imwe neimwe ichiita basa rayo zvakanaka.
VaEfeso 4:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kudzimana isu tose tiȿike paʋumŋe bgokutenda nokuziʋa Mŋanakomana waMŋari, napamunhu wakura, napaciyero coʋukuru bgokuzara kwaKristu; kuti tirege kuramba ticiŋgoʋa ʋacece, ticizunuŋguswa nokudziŋgwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyeŋgera kwaʋanhu, namano, kuti ʋatsause nokunyeŋgera; asi tireʋe ɀokwaɗi muruɗo, tigokura maari paɀose, iye Kristu, Musoro; muʋiri wose wakasoŋganiswa ɀakanaka maari nokuɓatanidzwa nenheŋgo dzose dzinosimbisa, mutezo mumŋe nomumŋe uciɓata neciyero cawo, kuti muʋiri ukuriswe pakuʋakwa kwawo muruɗo.
VaEfeso 4:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)