VaEfeso 4:1-3
VaEfeso 4:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira. Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.
VaEfeso 4:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ini musungwa muna Ishe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako, nokuzvininipisa kwose nounyoro, nomwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo; muchishingaira kuchengeta umwe hwoMweya muchisungo chorugare.
VaEfeso 4:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo ini musungwa akasungirwa Tenzi ndinokukumbirai kuti mugare upenyu hunowirirana noupenyu hwamakadaidzirwa. Ivai nemwoyo wokuzvirereka nemwoyo munyoro nemwoyo murefu muchitirirana zvine rudo muine shungu dzokuchengetedza Mweya wokubatana kwamakaita makasunganidzwa norugare.
VaEfeso 4:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ini musuŋgwa munaShe, ndinokumbira ɀikuru kuti mufambe ɀakafanira kuɗanwa kwamakaɗanwa nako, nokuɀininipisa kwose noʋunyoro, nomŋoyo murefu, muciitirana mŋoyo murefu muruɗo; mucishiŋgaira kuceŋgeta ʋumŋe bgoMŋeya mucisuŋgo corugare.
VaEfeso 4:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)