VaEfeso 2:9-11
VaEfeso 2:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti muna Kristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari. Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi “Vasina, kudzingiswa” naivo vanonzi, “Vokudzingiswa,” kuri munyama, kunoitwa namaoko
VaEfeso 2:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza nokuti tiri basa ramaoko ake, takasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka akafanogadzirwa naMwari kuti tiatevedze. Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko.
VaEfeso 2:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite. Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu)
VaEfeso 2:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza nokuti tiri basa ramaoko ake, takasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka akafanogadzirwa naMwari kuti tiatevedze. Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko.
VaEfeso 2:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
haɀibvi pamaɓasa, kuti kurege kuʋa nomunhu unoɀikudza. Nokuti tiri ɓasa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite maɓasa akanaka, akagadzirwa kare naMŋari kuti tifambe maari. Naiɀoɀo raŋgarirai, kuti imi ʋahedeni munyama, mainzi ʋasina‐kudziŋgiswa naiʋo ʋanonzi ʋokudziŋgiswa, kuri munyama, kunoitwa namaʋoko