VaEfeso 2:14-17
VaEfeso 2:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa, nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare, uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo.
VaEfeso 2:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndiye rugare rwedu, iye akaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarayirwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zvaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa; akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kuna ivo vaiva pedyo
VaEfeso 2:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti Kristu ndiye rugare rwedu akaita kuti tive vamwe akaputsa munyama yake chidziro chaiparadzanisa vanhu choruvengo nokudzima mutemo wemirao nezvirevo kuti aumbe maari iye munhu mumwechete mutsva panzvimbo yavaviri. Nokudaro akaunza rugare. Uye kuti nomuchinjikwa, atiwadzanise naMwari mumuviri mumwechete, nezvo achibva aparadza ruvengo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi maiva kure kure. Akaparidzawo rugare kune vakanga vari padyo
VaEfeso 2:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndiye rugare rweɗu, iye wakaita ɀinhu ɀiʋiri kuti ciʋe cinhu cimŋe, akaputsa ruȿiŋgo rwapakati rwaiparadzanisa; ɀaakaparadza munyama yake kuʋeŋgana, iwo murairo weɀakarairwa paɀireʋo; kuti asike aʋa ʋaʋiri ʋaʋe munhu mutȿa maari, aite rugare saiɀoɀo; kuti mumucinjikwa ayananise ɀe ʋose ʋaʋiri, ʋaʋe muʋiri mumŋe kunaMŋari, ɀaakaʋuraya kuʋeŋgana naiwo mucinjikwa; akaȿika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiʋa kure, norugare kunaiʋo ʋaiʋa pedyo
VaEfeso 2:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)