VaEfeso 2:11-15
VaEfeso 2:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu), rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu. Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa, nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare
VaEfeso 2:11-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi “Vasina, kudzingiswa” naivo vanonzi, “Vokudzingiswa,” kuri munyama, kunoitwa namaoko; kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa paushe hwavaIsiraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa, musina tariro, musina Mwari panyika. Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rwedu, iye akaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarayirwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo
VaEfeso 2:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko. Yeukai kuti panguva iyoyo imi makanga makaparadzana naKristu, muri vatorwa kumhuri yeIsiraeri makatsaurwa kuzvitenderano zvechipikirwa musina chitarisiro uye musina Mwari panyika. Asi iye zvino, muna Kristu Jesu, imi maimbova kure makaunzwa padyo neropa raKristu. Nokuti Kristu ndiye rugare rwedu akaita kuti tive vamwe akaputsa munyama yake chidziro chaiparadzanisa vanhu choruvengo nokudzima mutemo wemirao nezvirevo kuti aumbe maari iye munhu mumwechete mutsva panzvimbo yavaviri. Nokudaro akaunza rugare.
VaEfeso 2:11-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo raŋgarirai, kuti imi ʋahedeni munyama, mainzi ʋasina‐kudziŋgiswa naiʋo ʋanonzi ʋokudziŋgiswa, kuri munyama, kunoitwa namaʋoko; kuti neŋguʋa iyo makaŋga musinaKristu, muri ʋatorwa paʋushe bgaʋaIsraeri, muri ʋaeni pasuŋgano dzecipikirwa, musinetariro, musinaMŋari panyika. Asi ɀino munaKristu Jesu imi, makaŋga muri kure kare, makasweɗedzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rweɗu, iye wakaita ɀinhu ɀiʋiri kuti ciʋe cinhu cimŋe, akaputsa ruȿiŋgo rwapakati rwaiparadzanisa; ɀaakaparadza munyama yake kuʋeŋgana, iwo murairo weɀakarairwa paɀireʋo; kuti asike aʋa ʋaʋiri ʋaʋe munhu mutȿa maari, aite rugare saiɀoɀo
VaEfeso 2:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)