VaEfeso 1:3-6
VaEfeso 1:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake, kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.
VaEfeso 1:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu, sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe
VaEfeso 1:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaTenzi wedu Jesu Kristu akatikomborera muna Kristu; akatikomborera namakomborero ose ezvomweya okumatenga. Akatisarudza maari pasi pasati pasikwa kuti tive vatsvene vakarurama pamberi pake. Mwari, nechido chake, zvakamufadza kufanotisarudza nokuna Jesu Kristu kuti tive vana vake murudo, kuti Mwari arumbidzwe pamusana penyasha dzake dzisingatauriki dzaakatiitira nokuMwanakomana wake wapamwoyo pasina muripo.
VaEfeso 1:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ŋgaaʋoŋgwe Mŋari naƂaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMŋeya, kuɗeŋga munaKristu, seɀaakatisanaŋgura maari nyika isati yaʋambga, kuti tiʋe ʋatȿene ʋasinemhoȿa pamberi pake muruɗo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe ʋanakomana ʋake, seɀaakafadzwa pakuɗa kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakaŋgotipa hake muMuɗikanwa wake, kurumbidzwe
VaEfeso 1:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)