VaEfeso 1:11-14
VaEfeso 1:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake, kuitira kuti isu, vakatanga kuva netariro muna Kristu, tive rumbidzo yokubwinya kwake. Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene, anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
VaEfeso 1:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake; kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare muna Kristu; muna iye, nemiwo, makanzwa shoko rechokwadi maari, iyo Vhangeri yokuponeswa kwenyu; muna iye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa; uri rubato rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
VaEfeso 1:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Maari, sokutemwa kwazvakaitwa muurongwa huri kushanda muna zvose, nokuti chakanga chiri chido chake, isu takatanga kuva nechitarisiro muna Kristu, takasarudzwa tikapiwa basa rokurumbidza mbiri yake. Zvino, kana imiwo, muna Kristu, makanzwa shoko rechokwadi neShoko Rakanaka roruponeso rwenyu, mukatenda maari, makaiswa rupawo rwaMweya Mutsvene wechivimbiso. Mweya Mutsvene ndiye rubatso rwenhaka yedu kusvikira taiwana, mbiri yaMwari ichibva yarumbidzwa.
VaEfeso 1:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
munaiye, watakaitwa ʋo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita ɀose nokufuŋga kwokuɗa kwake; kuti tirumbidze kubginya kwake, isu takatarira kare kunaKristu; munaiye, nemi ʋo, makanzwa shoko reɀokwaɗi maari, iyo Evaŋgeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa cisimbiso noMŋeya Mutȿene wamakapikirwa; uri ruɓatso rwenhaka yeɗu, kuratidza kudzikinurwa kwaʋanhu ʋaMŋari caiʋo, kuti kubginya kwake kurumbidzwe.
VaEfeso 1:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)