VaEfeso 1:1-23
VaEfeso 1:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake, kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe. Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose. Uye akazivisa kwatiri chakavanzika chokuda kwake, maererano nomufaro wake wakanaka, waakafunga muna Kristu, kuti chiitwe pakukwana kwenguva, auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu. Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake, kuitira kuti isu, vakatanga kuva netariro muna Kristu, tive rumbidzo yokubwinya kwake. Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene, anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe. Nokuda kwaizvozvi, pandakanzwa nezvokutenda kwenyu muna Ishe Jesu uye rudo rwenyu kuvatsvene vose, handina kurega kuvonga nokuda kwenyu, ndichikurangarirai muminyengetero yangu. Ndinoramba ndichikumbira kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mweya wouchenjeri nokuzarurirwa, kuitira kuti mumuzive zviri nani. Ndinonyengeterawo kuti meso emwoyo wenyu avhenekerwe kuitira kuti mugoziva pfuma yenhaka yake yokubwinya muvatsvene, uye nesimba rake guru risingagoni kuenzaniswa kwatiri isu vanotenda. Iroro simba rakaita sokubata kwesimba rake guru, raakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga, pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya. Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke, iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose.
VaEfeso 1:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari paEfeso, nokuna vanotenda muna Kristu Jesu: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari; baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu, sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe; uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake; dzakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva; akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari; kuti afambise kuzara kwenguva, aunganidzwe muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi; muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake; kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare muna Kristu; muna iye, nemiwo, makanzwa shoko rechokwadi maari, iyo Vhangeri yokuponeswa kwenyu; muna iye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa; uri rubato rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe. Saka neniwo, ndakati ndanzwa kutenda muna Ishe Jesu kuri pakati penyu, norudo kuvatsvene vose, handiregi kuvonga pamusoro penyu, ndichikurangarirai paminyengetero yangu; kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva; mavhenekerwa meso omwoyo wenyu, kuti muzive kuti kudana kwake kune tariro yei, nepfuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene, noukuru hwakapfuurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru, raakabata muna Kristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga, kumusoro-soro kwamadzishe ose, noukuru, nesimba, noushe, namazita ose anorehwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi pane inozouyawo; akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa sangano iye, kuti ave musoro wazvose, ndiwo muviri wake kuzara kwaiye anozadzisa zvose muna vose.
VaEfeso 1:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro ndakaitwa mupositori waKristu Jesu chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai imi vatsvene uye vanhu vakatendeka muna Kristu Jesu. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngaakuitirei nyasha akupei rugare. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaTenzi wedu Jesu Kristu akatikomborera muna Kristu; akatikomborera namakomborero ose ezvomweya okumatenga. Akatisarudza maari pasi pasati pasikwa kuti tive vatsvene vakarurama pamberi pake. Mwari, nechido chake, zvakamufadza kufanotisarudza nokuna Jesu Kristu kuti tive vana vake murudo, kuti Mwari arumbidzwe pamusana penyasha dzake dzisingatauriki dzaakatiitira nokuMwanakomana wake wapamwoyo pasina muripo. Nokwaari takawana ruponeso neropa rake rwokuregererwa zvikanganiso zvedu, maererano nokuwanda kwenyasha dzake dzaakatipavhurira. Noungwaru hwose uye zviri pachenawo, akatizivisa zvinhu zvakavandika, maererano nechinangwa chake chaakanga anacho muna Kristu chourongwa hwake hwokuti kana nguva yakwana, abatanidze zvinhu zvose, zviri kudenga nezviri pasi agozviisa pasi paKristu. Maari, sokutemwa kwazvakaitwa muurongwa huri kushanda muna zvose, nokuti chakanga chiri chido chake, isu takatanga kuva nechitarisiro muna Kristu, takasarudzwa tikapiwa basa rokurumbidza mbiri yake. Zvino, kana imiwo, muna Kristu, makanzwa shoko rechokwadi neShoko Rakanaka roruponeso rwenyu, mukatenda maari, makaiswa rupawo rwaMweya Mutsvene wechivimbiso. Mweya Mutsvene ndiye rubatso rwenhaka yedu kusvikira taiwana, mbiri yaMwari ichibva yarumbidzwa. Naizvozvo kana iniwo pandakanzwa zvechitendero chenyu muna Tenzi Jesu uye rudo rwenyu kuna vatsvene vose handizorori kutenda Mwari pamusana penyu ndichikuyeukai muminamato yangu ndichiti, “Dai Mwari waTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vembiri vangokupai Mweya woungwaru anozarurira vanhu kuti mumuzive uye kuti mwoyo yenyu ivhenekerwe kuti muzive chitarisiro chaakakudanirai uye upfumi hwenhaka yake inomukurumbira inowanikwa navatsvene uye hakusi kukura ikoko kwakaita simba rake matiri isu tinotenda sokushanda kwakaita simba rake guru raakashandisa munaKristu paakamumutsa kuvakafa akaita kuti agare kurudyi rwake kunzvimbo dzokumatenga. Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rinomukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga. Mwari akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamuita musoro wezvinhu zvose musangano riri iro muviri wake rinomuzadzisa iye azere pasi pose muna zvose.”
VaEfeso 1:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, kuʋatȿene ʋari [paEfeso], nokunaʋanotenda munaKristu Jesu: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Ŋgaaʋoŋgwe Mŋari naƂaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMŋeya, kuɗeŋga munaKristu, seɀaakatisanaŋgura maari nyika isati yaʋambga, kuti tiʋe ʋatȿene ʋasinemhoȿa pamberi pake muruɗo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe ʋanakomana ʋake, seɀaakafadzwa pakuɗa kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakaŋgotipa hake muMuɗikanwa wake, kurumbidzwe; uyo watinedzikinuro maari neropa rake, iko kukaŋganwirwa kwokuɗarika kweɗu, nokuwanda kwenyasha dzake; dzaakawanza kwatiri nokucenjera kwose nokuziʋa; akatiziʋisa ɀakaʋanzika ɀokuɗa kwake, seɀaakafadzwa pakufuŋga kwake maari; kuti afambise kuzara kweŋguʋa, aʋuŋganidze munaKristu ɀose ɀiri kuɗeŋga, neɀiri pasi; munaiye, watakaitwa ʋo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita ɀose nokufuŋga kwokuɗa kwake; kuti tirumbidze kubginya kwake, isu takatarira kare kunaKristu; munaiye, nemi ʋo, makanzwa shoko reɀokwaɗi maari, iyo Evaŋgeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa cisimbiso noMŋeya Mutȿene wamakapikirwa; uri ruɓatso rwenhaka yeɗu, kuratidza kudzikinurwa kwaʋanhu ʋaMŋari caiʋo, kuti kubginya kwake kurumbidzwe. Saka neni ʋo, ndakati ndanzwa kutenda munaShe Jesu kuri pakati penyu, noruɗo kuʋatȿene ʋose, handiregi kuʋoŋga pamsoro penyu, ndicikuraŋgarirai paminyeŋgetero yaŋgu; kuti Mŋari waShe weɗu Jesu Kristu, Ƃaɓa ʋokubginya kukuru, akupei mŋeya wokucenjera nowokuzarurirwa pakumuziʋa; mavenekerwa meso omŋoyo wenyu, kuti muziʋe kuti kuɗana kwake kunetariro yei, nefuma yokubginya kwenhaka yake pakati paʋatȿene, noʋukuru bgakapfuʋurisa bgesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokuɓata kwesimba rake guru, raakaɓata munaKristu, acimumutsa kuʋakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kuɗeŋga, kumsoro‐soro kwaʋaɓati ʋose, noʋukuru, nesimba, noʋushe, namazita ose anorebga, pasati pari panyika ino ɓedzi, asi paneinozoʋuya ʋo; akaisa ɀose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti aʋe musoro waɀose, ndiwo muʋiri wake, kuzara kwaiye unozadzisa ɀose munaʋose.
VaEfeso 1:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)