Muparidzi 9:1-18
Muparidzi 9:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira. Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri. Sezvazvakaita nomunhu akanaka, ndizvozvowo nomutadzi; sezvazvakaita neavo vanoita mhiko, ndizvozvowo neavo vanotya kuita mhiko. Ichi ndicho chinhu chakaipa pane zvose zvinoitika pasi pezuva: Vose vane mugumo mumwe chete. Pamusoro pezvo, mwoyo yavanhu izere nezvakaipa uye mumwoyo yavo mune upenzi panguva yokurarama kwavo, uye shure kwaizvozvo vanobatana navakafa. Ani naani ari pakati pavapenyu ane tariro; kunyange imbwa mhenyu iri nani kupfuura shumba yakafa! Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva; havachinazve mumwe mubayiro, uye nokurangarirwa kwavo kwakanganikwa. Rudo rwavo, ruvengo rwavo negodo zvakanguri zvapera kare; havachazovizve nechikamu, pane zvose zvinoitika pasi pezuva. Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti iye zvino Mwari ndipo paari kufadzwa namabasa ako. Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta. Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva. Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri. Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika. Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika: Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire. Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru: Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa. Zvino muguta umu maigara mumwe murume akanga ari murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta iri nouchenjeri hwake. Asi hakuna munhu akarangarira murombo uya. Saka ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba.” Asi uchenjeri hwomurombo hunoshorwa uye mashoko ake haangateererwi. Mashoko manyoro omuchenjeri anoteererwa kupfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi. Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo, asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
Muparidzi 9:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti izvozvo zvose ndakazvirangarira nomwoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo. Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa akarurama noakaipa, akanaka noakachena noane tsvina, anobayira noasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika noanotya kupika. Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, mwoyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumwoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa. Nokuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nokuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa. Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi. Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva. Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomwoyo wakafara; nokuti Mwari atofadzwa namabasa ako. Nguo dzako dzigare dzakachena; nomusoro wako urege kushaiwa mafuta. Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nokuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva. Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda. Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda, ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika. Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe. Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru. Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo. Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo. Ipapo ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.” Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi. Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
Muparidzi 9:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvi zvose ndakazviongorora mumwoyo mangu ndichinyatsozviongorora ndikazviona kuti zviito zvavakarurama navangwaru zviri mumaoko aMwari, zvingave rudo kana ruvengo munhu haangazvizivi. Kwatiri vanhu zvose zvinenge zvisinganzwisisiki. Nokuti chinowira mumwe, ndicho chinowira vose, kungave kumururami kana kumuipi kuna vakanaka kana kuna vakaipa kuna vatsvene kana kuna vakan'ora kuna anopira chibayiro kana kuna asingapiri chibayiro. Zvakangofanana kumururami nokumutadzi. Anopika mhiko naasingapiki mhiko zvakangofanana. Izvi ndozvakaipa pane zvose zvinoitika pasi pedenga zvokuti tinowirwa nenhamo imwecheteyo. Chimwezve ndechokuti mwoyo yavanhu izere nouipi. Kana vari vapenyu chete kupenga kurimo mumwoyo yavo, mushure macho vanoenda kuvafi. Asi munhu achiri mupenyu navamwe vose vapenyu anechitarisiro nokuti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa. Chandinodariro ndechokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa asi vakafa havana zvavanoziva. Mubayiro havachisina uye zvokuyeukwa hapachina. Rudo rwavo, noruvengo rwavo, uye shanje yavo zvakaparara. Havachisina kana mugove zvavo narini wose pazvinhu zvinoitwa pasi pedenga Enda udye chokudya chako nomufaro unwe waini yako nemwoyo unofara nokuti Mwari anofadzwa nezviito zvako. Gara wakapfeka zvichena. Gara wakazora mafuta mumusoro. Gara uchifara nomukadzi wepamwoyo pako mazuva ako ose ohupenyu hwako husina maturo aakakupa pasi pedenga nokuti ndiwo mugove wako paupenyu uye pabasa rako raunoshingaira kuita pasi pedenga. Chaunenge wagona kuita namaoko ako chiite nesimba rako rose nokuti kunzvimbo yavafi kwauri kuenda hakuna basa kana pfungwa kana ruzivo kana ungwaru. Chimwe chandakaona pasi pedenga ndechokuti shasha yokumhanya haisiyo inokunda vamwe vose. Gamba rokurwa harisiro rinokunda muhondo vangwaru havasivo vanowana chokudya vakachenjerawo havasivo vanowana upfumi, mhizha hadzisidzo dzinobudirira nguva yavanayo imwechete uye zvinowira mumwe zvinowira vose. Munhu haazivi nguva yake. Sezvinoitwa hove dzinobatwa mumumbure wakaipa uye seshiri dzinobatwa parugombe ndizvo zvine vanhu vanobatwa panguva yakaipa pazvinongoerekana zvavawira. Chimwewo chandakaona soungwaru ndechichi pasi pedenga uye kwandiri chinhu chikuru. Paivapo kamwe kaguta kaive navanhu vashoma makari. Mumwe mambo akakavinga akakakomba. Akavaka zvokukakomba nazvo. Mukaguta ikako maiva nemurombo mungwaru. Noungwaru hwake akanunura kaguta ikako asi hapana akamboyeuka murombo iyeyo. Asi chandinotaura ndechokuti ungwaru huri nani pane simba. Kunyange zvazvo ungwaru hwomurombo huchishorwa uye mazwi ake asingateererwi. Mashoko oungwaru anofanira kuteererwa kupinda kushevedzera kwomutungamiri anodaidzira pakati pemapenzi. Ungwaru huri nani pane zvombo zvehondo asi mutadzi mumwechete anogona kuparadza zvizhinji zvakanaka.
Muparidzi 9:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti iɀoɀo ɀose ndakaɀiraŋgarira nomŋoyo waŋgu, kuti ndinzwisise iɀoɀi ɀose, kuti ʋakarurama naʋakacenjera ʋari paruʋoko rwaMŋari, pamŋe cete namaɓasa aʋo; kana kuri kuɗa kana kuʋeŋga, munhu haaɀiziʋi; ɀose ɀiri mberi kwaʋo. Ɀose ɀinoenzanisirwa ʋose; cinhu cimŋe cinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakacena nounetȿina, unoɓayira nousiŋgaɓayiri, wakanaka nomutadzi, unopika nounotya kupika. Cinhu ici cakaipa pakati peɀose ɀinoitwa pasi pezuʋa, kuti cinhu cimŋe ciitirwe ʋose; ɀirokwaɀo ʋo, mŋoyo yaʋanakomana ʋaʋanhu izere neɀakaipa, ʋuye ʋupeŋgo ʋuri mumŋoyo yaʋo ʋaciri ʋapenyu; shure kwaiɀoɀo ʋanoenda kuʋakafa. Nokuti kana munhu aciri pakati paʋapenyu ʋose, ucinecinhu caaŋgatarira; nokuti imbga mhenyu inopfuʋura shumba yakafa. Nokuti ʋapenyu ʋanoziʋa kuti ʋacazofa, asi ʋakafa haʋana‐caʋanoziʋa, kunyaŋge nomuɓairo haʋacina; nokuti haʋacaraŋgarirwi. Ruɗo rwaʋo, nokuʋeŋga kwaʋo, negoɗo raʋo, ɀose ɀaŋguʋa ɀapera haɀo; haʋacinomugoʋe nokusiŋgaperi paɀose ɀinoitwa pasi pezuʋa. Enda ɀako, udye ɀokudya ɀako nomufaro, unwe waini yako nomŋoyo wakafara; nokuti Mŋari watofadzwa namaɓasa ako. Ŋguʋo dzako dzigare dzakacena; nomusoro wako urege kushaiwa mafuta. Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoɗa, mazuʋa ako ose asinamaturo, aakakupa pasi pezuʋa, mazuʋa ako ose asinamaturo; nokuti ndiwo mugoʋe wako paʋupenyu, ʋuye pakuɓata kwako kwaunoɓata pasi pezuʋa. Ɀose ɀinowana ruʋoko rwako, kuti ruɀiite, uɀiite nesimba rako rose; nokuti hakuneɓasa, kana zano, kana ziʋo, kana ʋucenjeri paSheori kwaunoenda. Ndakadzoka, ndikaʋona pasi pezuʋa, kuti unomhanyisa haazi iye unokunda, unesimba haazi iye unokunda pakurwa, wakacenjera haazi iye uneɀokudya, ʋanhu ʋanenjere haʋazi iʋo ʋanefuma, ʋanhu ʋanoʋumhizha haʋazi iʋo ʋanofarirwa; asi ʋanowirwa ʋose neŋguʋa neɀinoitika. Nokuti nomunhu ʋo haaziʋi ŋguʋa yake; sehoʋe, dzinoɓatwa murutaʋa rwakaipa, kana shiri, dzinoɓatwa murugombe, saiɀoɀo ʋanakomana ʋaʋanhu ʋanoteyiwa neŋguʋa yakaipa, kana yaʋawira kamŋe‐kamŋe. Ndakaʋona ʋo pasi pezuʋa ʋucenjeri bgakaɗai, ndikati ʋukuru: Kwakaŋga kuneguta ɗuku, maiʋa naʋarume ʋashoma; mumŋe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akariʋakira maȿiŋgo makuru okurwa nawo. Ɀino mukati maro makawanikwa murombo wakaŋga akacenjera, iye akaponesa guta noʋucenjeri bgake; asi hakunomunhu wakaraŋgarira munhu uyo murombo. Ipapo ndakati: Ʋucenjeri ʋunopfuʋura simba; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋucenjeri bgomurombo ʋunoshoʋorwa, namashoko ake haatererwi. Mashoko aʋakacenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuʋura kuɗanidzira kwomunhu unoɓata ʋushe pakati pamapenzi. Ʋucenjeri ʋunopfuʋura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumŋe unoparadza ɀakanaka ɀizhinji.
Muparidzi 9:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)