Muparidzi 5:2-3
Muparidzi 5:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma. Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.
Muparidzi 5:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Usakurumidza nomuromo wako, mwoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma. Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nezwi rebenzi namashoko mazhinji.
Muparidzi 5:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakutaura pana Mwari rega kumedza kutsenga uchakuda kana kupindwa nomwoyo wokukurumidza kutaura pana Mwari nokuti Mwari ari kudenga iwe uri pasi pano. Saizvozvo zvaunotaura ngazvive zvishoma. Kurotomoka kunouya kana twunonetsa twawanda. Ndizvozvowo nezvinotaurwa nebenzi kana twarinotaura twawanda.
Muparidzi 5:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Usakurumidza nomuromo wako, mŋoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMŋari; nokuti Mŋari uri kuɗeŋga, iwe uri pasi; naiɀoɀo mashoko ako ŋgaaʋe mashoma. Nokuti kurota kunoʋuya namaɓasa mazhinji, nenzwi reɓenzi namashoko mazhinji.
Muparidzi 5:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)