Muparidzi 5:10-19
Muparidzi 5:10-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana; ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana. Naizvozviwo hazvina maturo. Nokuwanda kunoita pfuma, ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya. Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo kunze kwokungogutsa meso ake nayo? Hope dzomushandi dzakanaka, hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji, asi kuwanda kwezvinhu zvomupfumi hakumuwanisi hope. Ndakaona chinhu chakaipisisa pasi pezuva: pfuma inounganidzwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo, kana pfuma inorasika nokuda kwechinhu chakaipa chinomuwira, kuti kana abereka mwana mukomana anoshaya chaanomusiyira. Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake, uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda. Haana chaanotakura chinobva pabasa rake, chaangaenda nacho muruoko rwake. Ichi zvakare chinhu chakaipa kwazvo: Sokuuya kunoita munhu saizvozvowo anoenda, uye chii chaangawana, iye achishandira mhepo? Pamazuva ake ose anodyira murima, nokudzungaira kukuru, kutambudzika uye nehasha. Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari.
Muparidzi 5:10-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo. Kana pfuma ichiwanda, vadyi vanowandawo; mwene wayo anobatsirwei, asi kungoona nameso ake. Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomupfumi hakumutenderi kuvata. Kune chinhu chakaisvoipa, chandakaona pasi pezuva, pfuma inochengetwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo. Pfuma iyo inopera nechinhu chakaipa chinomuwira; kana achinge abereka mwanakomana, haana chinhu muruoko rwake. Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, achadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake. Nechinhu ichi chakaisvoipawo, kuti pazvose, sezvaakauya, saizvozvo achaendazve; zvino achawaneiko, zvaakatamburira mhepo? Mazuva ake osewo anodya murima, anotambudzika kwazvo; anourwere neshungu. Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake. Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari pfuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye, nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.
Muparidzi 5:10-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anoda mari haaguti mari uye anoda upfumi nokubereka kwahwo izvozviwo hazvinzwisisiki. Upfumi hukawanda vanohudya vanowandawo muridzi wahwo chaanowana chii mahuri kusiya kungohuona nameso? Hakusi kunaka ikoko kwakaita hope dzomushandi kunyange adya zvizhinji kana zvishoma, kuwandirwa kwomupfumi nomupfumi kunomushaisa hope. Kune chimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chokuti munhu anozviunganidzira upfumi hwozomukuvadza. Upfumi ihwohwo anorasikirwa nahwo mukuita zvakaipa sarei mumaoko asisina chaanacho asi iye ari baba womwana Sokubuda kwaakaita mudumbu maamai vake ndomuendero waachaita ari musvi, sokuuya kwaakaita pasina chaangatakure chebasa rake chaangaende nacho mumaoko. Kunyange ichochi chinhu chakaipisisa; samauiro aakaita ndiwo maendero aachaita. Chaakawana chii zvino zvaakashandira mhepo zvayo kudaro achipedza mazuva ake ose murima nomukutambura mumwoyo nokurwara nokushatirwa. Chandakazoona zvangu kuti chinhu chakanaka uye chinokodzera ndechokuti munhu adye zvake achinwa achifara zvichibva pabasa raanoshingairira kuita pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwake aakapiwa naMwari nokuti iwoyu ndiwo mugovewo wake. Ichiwo chipo chaMwari chokuti munhu wose anopiwa upfumi nepfuma nesimba rokugona kufadzwa nazvo, agone kugamuchira mugove wake nokuwanawo rufaro runobva mubasa raanoshingairira kuita.
Muparidzi 5:10-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unoɗa sirveri, haaŋgagutswi nesirveri, naiye unoɗa ɀakawanda, haaŋgagutswi neɀakawanda; naiɀoɀo haɀinamaturo. Kana fuma iciwanda, ʋadyi ʋanowanda ʋo; mŋene wayo unoɓatsirwei, asi kuŋgoʋona nameso ake. Hope dzomunhu, unoɓata, dzakanaka, kana acidya ɀishoma kana ɀizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuʋata. Kunecinhu cakaiȿo‐ipa, candakaʋona pasi pezuʋa, fuma inoceŋgetwa nomŋene wayo, icimuʋonesa nhamo. Fuma iyo inopera necinhu cakaipa cinomuwira; kana aciŋge aɓereka mŋanakomana, haanecinhu muruʋoko rwake. Seɀaakaɓuɗa muɗumbu ramai ʋake, ucadzoka ɀe asinecinhu, seɀaakaɓuɗa; haana‐caakatamburira, caaŋgatora, caaŋgaenda naco muruʋoko rwake. Necinhu ici cakaiȿo‐ipa ʋo, kuti paɀose, seɀaakaʋuya, saiɀoɀo ucaenda ɀe; ɀino ucawaneiko, ɀaakatamburira mhepo? Mazuʋa ake ose ʋo unodya murima, unotambudzika kwaɀo; unoʋurwere neshuŋgu. Tarirai, ɀandakaʋona kuti ɀakanaka, ɀinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire ɀinhu ɀakanaka pakuɓata kwake kwose kwaanoɓata pasi pezuʋa, mazuʋa ose oʋupenyu bgake bgaakapiwa naMŋari; nokuti ndiwo mugoʋe wake. Munhu mumŋe nomumŋe ʋo, wakapiwa naMŋari fuma neɀakawanda, akapiwa ʋo simba kuti aɀidye, nokutora mugoʋe wake, nokufarira ɀaakaɓatira — ico cipo cinobva kunaMŋari.
Muparidzi 5:10-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)