Muparidzi 4:9-12
Muparidzi 4:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo: Kana mumwe akawira pasi, shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare. Asi ane nhamo munhu anowira pasi, asina anomusimudza! Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa. Asi mumwe chete angadziyirwa sei? Munhu mumwe chete angakurirwa simba, asi vaviri vanozvidzivirira. Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
Muparidzi 4:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza. Chimwezve ndechokuti vaviri vakarara pamwechete vanodziirirwa. Ko anenge ari oga anodziirwa sei? Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga asi vaviri vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.
Muparidzi 4:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo. Nokuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza. Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei? Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
Muparidzi 4:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza. Chimwezve ndechokuti vaviri vakarara pamwechete vanodziirirwa. Ko anenge ari oga anodziirwa sei? Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga asi vaviri vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.
Muparidzi 4:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaʋiri ʋanopfuʋura mumŋe, nokuti ʋanomuɓairo wakanaka wokuɓata kwaʋo. Nokuti kana ʋakawira pasi, mumŋe ucasimudza shamŋari yake; asi uri oga unenhamo kana aciwira pasi, haanomumŋe uŋgamusimudza. Ʋuye ɀe, kana ʋaʋiri ʋaciʋata pamŋe cete, ʋacadziyirwa; asi mumŋe cete uŋgadziyirwa sei? Kana munhu akaʋamba mumŋe, ʋaʋiri ʋaŋgamudziʋisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu haruŋgakurumidzi kuɗamburwa.