Muparidzi 4:13-16
Muparidzi 4:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jaya murombo asi rakachenjera riri nani kupfuura mambo mutana ari benzi, asisazivi kuteerera kana achipiwa yambiro. Jaya ringava rakabva mutorongo rikazova mambo, kana angava akaberekwa ari muurombo, muushe hwokwake. Ndakaona kuti vose vapenyu vakafamba pasi pezuva vakatevera jaya, rakazotevera panzvimbo yamambo. Vakanga vasingaverengeki vanhu vose vaaitonga. Asi vakazouya pashure havana kufadzwa neakanga achitonga panzvimbo yamambo. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.
Muparidzi 4:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jaya murombo, rakachenjera, rinopfuura mambo mutana benzi, asichazivi kutenda kana achirangwa. Nokuti akabuda mutorongo kuzova mambo; zvirokwazvo, kunyange paushe hwake akaberekwa ari murombo. Ndakaona vapenyu vose vanofamba pasi pezuva, vachitevera jaya, iye wechipiri, wakamuka panzvimbo yake. Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyange zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Muparidzi 4:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvirinani kuva munhu wechidiki asi ane ungwaru kupinda kuva mambo akwegura asi asina ungwaru asingagone kugamuchira mazano avamwe, angave zvake munhu akabva kujere achienda paumambo kana kunge akaberekwa ari murombo munyika yamambo wake. Ndakaona vose vapenyu vanofamba-famba pasi pedenga uyewo ndakaonawo mumwe wechidiki achitora nzvimbo yamambo achitungamirira vanhu vasingaverengeki kuwanda. Zvakadaro zvazvo vaizotevera mushure make havana kumufarira. Izvi hazvina maturo uye kunongova kudzingirira mhepo.
Muparidzi 4:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jaya murombo, rakacenjera, rinopfuʋura mambo mutana ɓenzi, usicaziʋi kutenda kana aciraŋgwa. Nokuti wakaɓuɗa mutoroŋgo kuzoʋa mambo; ɀirokwaɀo, kunyaŋge paʋushe bgake wakaɓerekwa ari murombo. Ndakaʋona ʋapenyu ʋose ʋanofamba pasi pezuʋa, ʋaciteʋera jaya, iye wecipiri, wakamuka panɀimbo yake. Ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasiŋgaʋereŋgwi, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋakaɓatwa naye; kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanozoteʋera haʋaŋgamufariri. Ɀirokwaɀo, naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
Muparidzi 4:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)