Muparidzi 12:9-13
Muparidzi 12:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muparidzi akanga asina kuchenjera chete asi akadzidzisawo zivo kuvanhu. Akarangarira akaongorora uye akaronga zvirevo zvizhinji. Muparidzi akatsvaka kuti awane mashoko akanaka chete, uye zvaakanyora zvakarurama uye ndezvechokwadi. Mashoko avachenjeri akafanana nezvibayiso, mashoko avo akaunganidzwa akasimbiswa sembambo dzakarovererwa kwazvo, akapiwa noMufudzi mumwe chete. Yambirwa, mwanakomana wangu, kuti pasava nechinhu chipi zvacho chichawedzerwa pazviri. Zvokunyora mabhuku mazhinji hazvina magumo, uye kudzidza zvizhinji kunonetesa muviri. Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu.
Muparidzi 12:9-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji. Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi. Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa; akapiwa noMufudzi mumwechete. Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri. Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, “Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.
Muparidzi 12:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Pamusoro pokuva mungwaru muparidzi akadzidzisa vanhu ruzivo iye achiera nokudzidza achigadziridza zvakanakisa zvirevo. Muparidzi akatsvaka nzira yokutaura nayo zvakanakisa uye kuti anyorere vanhu zvazviri mazwi echokwadi. Mashoko avangwaru akaita sechokubaisa uye sehoko dzanyatsorovererwa nomufudzi zvichiitwa nomufudzi mumwechete. Chimwezve mwanangu, chenjerera izvi zvokuti kunyora mabhuku hakuperi uye kudzidza kunonetsa muviri. Kuchipedzisa muchidimbu, zvose zvanzwika. Itya Mwari uchengete mitemo yake ndiro basa romunhu rose.
Muparidzi 12:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamusoro pokuva mungwaru muparidzi akadzidzisa vanhu ruzivo iye achiera nokudzidza achigadziridza zvakanakisa zvirevo. Muparidzi akatsvaka nzira yokutaura nayo zvakanakisa uye kuti anyorere vanhu zvazviri mazwi echokwadi. Mashoko avangwaru akaita sechokubaisa uye sehoko dzanyatsorovererwa nomufudzi zvichiitwa nomufudzi mumwechete. Chimwezve mwanangu, chenjerera izvi zvokuti kunyora mabhuku hakuperi uye kudzidza kunonetsa muviri. Kuchipedzisa muchidimbu, zvose zvanzwika. Itya Mwari uchengete mitemo yake ndiro basa romunhu rose.
Muparidzi 12:9-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, Muparidzi ɀaakaŋga ari munhu wakacenjera, wakapfuʋura acidzidzisa ʋanhu ziʋo; wakaraŋgarira, nokunɀera, nokuroŋgedza ɀireʋo ɀizhinji. Muparidzi wakatȿaka kuti awane mashoko anofadza, ʋuye ɀakanyorwa nomŋoyo wakarurama, ari mashoko eɀokwaɗi. Mashoko aʋakacenjera akafanana neɀiɓayiso; sembambo dzakaroʋerwa kwaɀo, ndiɀo ɀakaita mashoko akaʋuŋganidzwa, akapiwa noMufudzi mumŋe cete. Ʋuye ɀe, mŋanakomana waŋgu, unyeʋerwe; kuita buku zhinji hakuperi, ʋuye kudzidza kuzhinji kunonetsa muʋiri. Ɀino shoko guru paɀose ɀatanzwa, heri: Itya Mŋari, uceŋgete mirairo yake; nokuti ndiɀo ɀakafanira ʋanhu ʋose.