Muparidzi 10:1-9
Muparidzi 10:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Nhunzi dzakafa dzinogona kunhuwisa mafuta anonhuhwira, saizvozvo utununu hunogona kukanganisa ungwaru nokuremekedzwa. Pfungwa dzomungwaru dzakarerekerera kurudyi pfungwa dzebenzi dzakarerekera kuruboshe. Nyange richifamba munzira benzi harina njere rinotaura kumunhu wose kuti ibenzi. Kana mutongi wako akakuvirukira nehasha, usabve pabasa rako nokuti kuzvibata kwako kunoita kuti mhosva huru iregererwe. Pane chimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga kuri kukanganisa kwavatongi. Mapenzi anoiswa pamabasa makuru asi vapfumi vachigara panzvimbo dzapasi ndakaona varanda vari pamabhiza machinda achifamba pasi netsoka savaranda. Munhu anochera hunza achiwira mairi, anoputsa madziro anorumwa nenyoka. Anokwakwanura mabwe anokuvadzwa nawo anotsemurawo huni anogona kukuvadzwa nadzo.
Muparidzi 10:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka, saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa. Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi, asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe. Kunyange richifamba pamugwagwa, benzi rinoshayiwa njere uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro. Kana kutsamwa kwomutongi kukakumukira, usabva panzvimbo yako; unyoro hunonyaradza mhosva huru. Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, kutadza kunobva kuvatongi: Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro, ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera. Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda. Ani naani anochera gomba angangowira mariri; ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka. Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo; ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo.
Muparidzi 10:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuodza chizoro chomuvenganisi wezvinonhuwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa. Mwoyo womunhu akachenjera uri kurudyi rwake, asi mwoyo webenzi uri kuruboshwe rwake. Zvirokwazvo, kana benzi richifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinozivisa vose kuti ndiri benzi. Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; nokuti unyoro hunonyaradza mhosva huru. Chinhu chakaipa chiripo chandakaona pasi pezuva, kuri kutadza kunobva kuvabati. Upenzi hunoiswa pakakwirira, asi vapfumi vanogara pakaderera. Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, namachinda achifamba pasi savaranda. Anochera gomba, achawiramo amene; ani naani anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma. Ani naani anoputsa mabwe, angakuvadzwa nawo; uye anobanzura huni, ari panjodzi.
Muparidzi 10:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhunzi dzakafa dzinogona kunhuwisa mafuta anonhuhwira, saizvozvo utununu hunogona kukanganisa ungwaru nokuremekedzwa. Pfungwa dzomungwaru dzakarerekerera kurudyi pfungwa dzebenzi dzakarerekera kuruboshe. Nyange richifamba munzira benzi harina njere rinotaura kumunhu wose kuti ibenzi. Kana mutongi wako akakuvirukira nehasha, usabve pabasa rako nokuti kuzvibata kwako kunoita kuti mhosva huru iregererwe. Pane chimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga kuri kukanganisa kwavatongi. Mapenzi anoiswa pamabasa makuru asi vapfumi vachigara panzvimbo dzapasi ndakaona varanda vari pamabhiza machinda achifamba pasi netsoka savaranda. Munhu anochera hunza achiwira mairi, anoputsa madziro anorumwa nenyoka. Anokwakwanura mabwe anokuvadzwa nawo anotsemurawo huni anogona kukuvadzwa nadzo.
Muparidzi 10:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuʋodza cizoro comuveŋganisi weɀinonhuwira; saiɀoɀo ʋupenzi ʋushoma ʋunorema kukunda ʋucenjeri nokukudzwa. Mŋoyo womunhu wakacenjera uri kurudyi rwake, asi mŋoyo weɓenzi uri kuruɓoshwe rwake. Ɀirokwaɀo, kana ɓenzi ricifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinoziʋisa ʋose kuti ndiri ɓenzi. Kana kutsamŋa kwomuɓati kukakumukira, usabva panɀimbo yako; nokuti ʋunyoro ʋunonyaradza mhoȿa huru. Cinhu cakaipa ciri’po candakaʋona pasi pezuʋa, kuri kutadza kunobva kuʋaɓati: Ʋupenzi ʋunoiswa pakakwirira, asi ʋafumi ʋanogara pakaɗerera. Ndakaʋona ʋaranda ʋakataȿa mabiza, namacinda acifamba pasi saʋaranda. Unocera gomba, ucawira’mo amene; aninani unokoromora ruȿiŋgo, nyoka icamuruma. Aninani unoputsa mabge, uŋgakuʋadzwa nawo; ʋuye unoɓanzura huni, uri panjodzi.