Muparidzi 10
10
Ʋucenjeri noʋupenzi.
1Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuʋodza cizoro comuveŋganisi weɀinonhuwira; saiɀoɀo ʋupenzi ʋushoma ʋunorema kukunda ʋucenjeri nokukudzwa. 2Mŋoyo womunhu wakacenjera uri kurudyi rwake, asi mŋoyo weɓenzi uri kuruɓoshwe rwake. 3Ɀirokwaɀo, kana ɓenzi ricifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinoziʋisa ʋose kuti ndiri ɓenzi. 4Kana kutsamŋa kwomuɓati kukakumukira, usabva panɀimbo yako; nokuti ʋunyoro ʋunonyaradza mhoȿa huru. 5Cinhu cakaipa ciri’po candakaʋona pasi pezuʋa, kuri kutadza kunobva kuʋaɓati: 6Ʋupenzi ʋunoiswa pakakwirira, asi ʋafumi ʋanogara pakaɗerera. 7Ndakaʋona ʋaranda ʋakataȿa mabiza, namacinda acifamba pasi saʋaranda. 8Unocera gomba, ucawira’mo amene; aninani unokoromora ruȿiŋgo, nyoka icamuruma. 9Aninani unoputsa mabge, uŋgakuʋadzwa nawo; ʋuye unoɓanzura huni, uri panjodzi. 10Kana simbi yakomara, munhu akasairodza, unofanira kunyanya kuɓata nesimba; asi ʋucenjeri ʋunoɓatsira pakururamisa. 11Kana nyoka ikaruma isati yarapxa namazaŋgo, ŋaŋga haiɓatsiri. 12Mashoko anobva mumuromo wowakacenjera, anofadza; asi miromo yeɓenzi inomumedza iye. 13Kutaŋga kwamashoko omuromo waro ʋupenzi; nokuguma kwokutaura kwaro ʋupeŋgo bgakashata. 14Ƃenzi rinowanza ʋo mashoko; asi munhu haaziʋi ɀicaʋa’po; ndiani uŋgamuziʋisa ɀicazoʋa’po shure kwake? 15Kuɓata kwamapenzi kunonetsa mumŋe nomumŋe waʋo; nokuti haatoŋgoziʋi nzira yokuenda nayo kuguta. 16Iwe nyika unenhamo, kana mambo wako ari mŋana, kana macinda ako aciita mutambo maŋgwanani. 17Unomufaro, iwe nyika, kana mambo wako ari mŋanakomana waʋakakudzwa, kana macinda ako aciita mutambo paŋguʋa yakafanira, kuti asimbiswe, asiŋgaitiri kuɓatwa. 18Noʋusimbe ɗeŋga reimba rinosakara; nokusaɓata kwamaʋoko imba inoɗonha. 19Mutambo unoitirwa kuseka, ʋuye waini inofadza ʋupenyu; ɀose ɀiŋgawanikwa nemari. 20Usatuka mambo, kunyaŋge pakufuŋga kwako; usatuka mufumi paimba yako yokuʋata; nokuti shiri yokuɗeŋga iŋgatakura inzwi, ʋuye iɀo ɀinamapapiro ɀiŋgaziʋisa shoko.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018