Dhuteronomi 6:5-8
Dhuteronomi 6:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu.
Dhuteronomi 6:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka. Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako.
Dhuteronomi 6:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Mitemo iyoyi yandinokuudza nhasi ngaigare mumwoyo mako. Nyatsoidzidzisa vana vako. Uitaure wataurazve ugere mumba mako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge urere pasi, napaunomuka. Uisungirire paruoko rwako chive chiratidzo, uisungirirewo pahuma yako netsungare.
Dhuteronomi 6:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uɗe Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nesimba rako rose. Ɀino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuʋa mumŋoyo mako; unofanira kushiŋgaira kuadzidzisa ʋana ʋako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana ucifamba munzira, kana uciʋata pasi, kana ucimuka. Unofanira kuasuŋgira paruʋoko rwako, ciʋe ciratidzo; ʋuye anofanira kuʋa rundanyara pakati pameso ako.
Dhuteronomi 6:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)