Dhuteronomi 6:2
Dhuteronomi 6:2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama.
Dhuteronomi 6:2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti utye Jehovha Mwari wako, uchengete zvose zvaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomwanakomana wako, nomwanakomana womwanakomana wako, mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji.
Dhuteronomi 6:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodaro kuitira kuti muremekedze Tenzi Mwari wenyu. Imi navana venyu navazukuru venyu ndinokuudzai kuti muchengete mitemo nemirao yake yose, mazuva ose oupenyu hwenyu kuti mazuva enyu awande.
Dhuteronomi 6:2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti utye Jehova Mŋari wako, uceŋgete ɀose ɀaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomŋanakomana wako, nomŋanakomana womŋanakomana wako, mazuʋa ose oʋupenyu bgako, kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji.