Dhuteronomi 6:1-9
Dhuteronomi 6:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu, kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama. Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu. Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete. Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.
Dhuteronomi 6:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino ndiwo mirairo, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvandakarairwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muzviite kunyika kwamunoenda kuti ive yenyu; kuti utye Jehovha Mwari wako, uchengete zvose zvaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomwanakomana wako, nomwanakomana womwanakomana wako, mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji. Naizvozvo chinzwa Isiraeri, uchenjere kuti uzviite; kuti zvive zvakanaka newe, muwande kwazvo, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, panyika inoyerera mukaka nouchi. “Chinzwa Isiraeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete. Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka. Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako. Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako.
Dhuteronomi 6:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Izvi ndizvo zvirevo nemitemo nemirao yandakataurirwa naTenzi Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei mugoichengeta munyika yamava kuyambukira kundotora. Ndinodaro kuitira kuti muremekedze Tenzi Mwari wenyu. Imi navana venyu navazukuru venyu ndinokuudzai kuti muchengete mitemo nemirao yake yose, mazuva ose oupenyu hwenyu kuti mazuva enyu awande. Saka imi vaIsiraeri iteererei muichengete, kuti zvikunakirei, muwande zvakanyanya munyika yakanaka yomukaka nouchi sokuvimbisa kwamakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu. “Teerera unzwe iwe Isiraeri. Tenzi Mwari wedu ndiye Mwari oga. Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Mitemo iyoyi yandinokuudza nhasi ngaigare mumwoyo mako. Nyatsoidzidzisa vana vako. Uitaure wataurazve ugere mumba mako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge urere pasi, napaunomuka. Uisungirire paruoko rwako chive chiratidzo, uisungirirewo pahuma yako netsungare. Inyore pamagwatidziro emba yako napamisuo yako mikuru.
Dhuteronomi 6:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndiwo murairo, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀandakarairwa naJehova Mŋari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muɀiite kunyika kwamunoenda kuti iʋe yenyu; kuti utye Jehova Mŋari wako, uceŋgete ɀose ɀaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomŋanakomana wako, nomŋanakomana womŋanakomana wako, mazuʋa ose oʋupenyu bgako, kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji. Naiɀoɀo cinzwa Israeri, ucenjere kuti uɀiite; kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, muwande kwaɀo, seɀamakapikirwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako, panyika inoyerera mukaka noʋuci. Cinzwa Israeri, Jehova Mŋari weɗu ndiJehova mumŋe cete. Uɗe Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nesimba rako rose. Ɀino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuʋa mumŋoyo mako; unofanira kushiŋgaira kuadzidzisa ʋana ʋako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana ucifamba munzira, kana uciʋata pasi, kana ucimuka. Unofanira kuasuŋgira paruʋoko rwako, ciʋe ciratidzo; ʋuye anofanira kuʋa rundanyara pakati pameso ako. Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikoʋa yeimba yako, napamasuʋo ako.
Dhuteronomi 6:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)