Dhuteronomi 5:1-33
Dhuteronomi 5:1-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akadana vaIsraeri vose, akati: Inzwai imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandinotaura muchinzwa nhasi. Idzidzei muchenjerere kuti muiteerere Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu paHorebhi. Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano. Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo. Panguva iyo ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi kuti ndizivise kwamuri shoko raJehovha, nokuti makanga muchitya moto mukasakwira mugomo. Uye iye akati: “Ndini Jehovha Mwari wako akakubudisa kubva munyika yeIjipiti, munyika youranda. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga, asi ndichiratidza rudo kune chiuru chemarudzi avanondida, vanochengeta mirayiro yangu. Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina, nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva ani naani anoreva zita rake pasina. Chengeta zuva reSabata rive dzvene, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako. Ubate basa mazuva matanhatu, nokuita basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Nomusi uyo usabata basa ripi zvaro, kunyange iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, uye murandarume kana murandakadzi wako, nenzombe yako kana mbongoro yako kana chimwe chezvipfuwo zvako, nomutorwa ari mukati mamasuo ako, kuitira kuti murandarume nomurandakadzi wako azorore sewe. Murangarire kuti imi maimbova varanda munyika yeIjipiti uye kuti Jehovha Mwari wenyu akakubudisai nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa. Naizvozvo Jehovha Mwari wako anokurayira kuti uchengete zuva reSabata. Kudza baba vako namai vako, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti mazuva ako ave mazhinji uye kuti zvigokuitira zvakanaka panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. Usauraya. Usaita upombwe. Usaba. Usapupura nhema pamusoro pomuvakidzani wako. Usachiva mudzimai womuvakidzani wako. Usachochora imba kana munda womuvakidzani wako, muranda kana murandakadzi wake, nzombe kana mbongoro kana chimwe chinhu chomuvakidzani wako.” Iyi ndiyo mirayiro yakataurwa naJehovha nenzwi guru kuungano yenyu yose pagomo paya ari mukati memoto, mugore nerima guru, uye haana kuwedzera mamwe. Ipapo akaanyora pamahwendefa maviri amabwe ndokuapa kwandiri. Pamakanzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, varume vose vanotungamira marudzi enyu, navakuru venyu vakauya kwandiri. Uye makati, “Jehovha Mwari wedu atiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto. Nhasi taona kuti munhu anogona kurarama kunyange dai Mwari akataura naye. Asi zvino, tingafireiko? Uyu moto mukuru uchatiparadza, uye tichafa kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu. Nokuti ndianiko munhu anofa akambonzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, uye akararama? Swedera undonzwa zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu. Zvino iwe ugozotiudza zvose hazvo zvauchaudzwa naJehovha Mwari wedu. Tichazvinzwa tigozviita.” Jehovha akakunzwai pamakataura kwandiri uye Jehovha akati kwandiri, “Ndanzwa zvataurwa navanhu kwauri. Zvose zvavataura zvakanaka. Haiwa, dai mwoyo yavo yainditya nokuchengeta zvose zvandakarayira nguva dzose, kuti zvivaitire zvakanaka ivo navana vavo nokusingaperi! “Enda undovaudza kuti vadzokere kumatende avo. Asi iwe mira pano pandiri kuti ndikupe zvandakarayira, mitemo nemirayiro yose yaunofanira kuvadzidzisa kuti vazviite panyika yandinovapa kuti ive yavo.” Saka chenjerai kuti muite zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu; musatsauka kurudyi kana kuruboshwe. Mufambe nenzira yose yamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame nokubudirira uye kuti mazuva enyu ave mazhinji panyika iyo ichava yenyu.
Dhuteronomi 5:1-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, “Inzwai vaIsiraeri, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinotaura nhasi muchizvinzwa, kuti muzvidzidze nokuzvichengeta mugozviita. Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu. Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri vapenyu nhasi pano. Jehovha akataura nemi, ziso zvakatarisana, ari mukati momoto, (nenguva iyo ini ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi, kuti ndikuzivisei shoko raJehovha; nokuti imi makanga muchitya nokuda kwomoto, mukasakwira mugomo;) akati, “Ndini Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu. “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga; ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu. “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kumupa mhosva unoreva zita rake pasina. “Chengeta zuva reSabata, rive dzvene, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako. Ubate basa mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose. Asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana mbongoro yako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako vazorore sewe. Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika yeIjipiti, Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva reSabata. “Kudza baba vako namai vako, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; kuti mazuva ako ave mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. “Usauraya. “Uye usaita upombwe. “Uye usaba. “Uye usapupurira wokwako nhema. “Uye usachiva mukadzi wowokwako; uye usachochora imba yowokwako, kana munda wake, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana mombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chinhu chowokwako.” Jehovha wakataura mashoko awa ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati momoto negore, nokusviba kukuru, nezwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamahwendefa maviri amabwe, akandipa iwo. “Zvino imi makati muchinzwa izwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, mukaswedera kwandiri, vakuru vose vamarudzi enyu, navakuru venyu, mukati, ‘Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa izwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake. Naizvozvo zvino tichafireiko? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza; kana tikaramba tichinzwa izwi raJehovha Mwari wedu tichafa. Nokuti ndianiko pakati pavanhu vose wakanzwa izwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, akararama here? Swedera hako iwe, unzwe zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, ugozotiudza zvose zvauchaudzwa iwe naJehovha Mwari wedu; tichazvinzwa, nokuzviita.’ Zvino Jehovha akanzwa izwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, ‘Ndanzwa izwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka. Dai vaiva nemwoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirairo yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi! Enda, undoti kwavari, “Dzokerai kumatende enyu.” Asi iwe, mira pano kwandiri, ndikuudze murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvaunofanira kuvadzidzisa, kuti vazviite panyika yandinovapa, kuti ive yavo.’ “Naizvozvo chenjerai, kuti muite sezvamakarairwa naJehovha Mwari wenyu; musatsaukira kurutivi rworudyi kana rworuboshwe. Munofanira kufamba nenzira yose yamakarairwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame, zvive zvakanaka nemi, namazuva enyu ave mazhinji panyika iyo, ichava yenyu.
Dhuteronomi 5:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akaunganidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Teererai munzwe imi vaIsiraeri mitemo nemirao yandava kutaura nhasi muchinzwa. Idzidzei munyatsoichengeta. Tenzi Mwari wedu akaita chitenderano nesu pagomo reHorebhu. Tenzi haana kuita chitenderano ichi namadzibaba edu chete, asi nesu tose iyesu vapenyu kudai ipo pano nhasi. Tenzi akataura nemi makatarisana naye uso nouso pagomo riya, iye ari mukati memoto. Panguva iyoyo ini ndaiva munyai pakati penyu naTenzi, ndichikuzivisai shoko raTenzi nokuti imi maitya. Maitya nokuda kwemoto, saka musina kukwira mugomo. “Tenzi akati, ‘Ndini Tenzi Mwari wenyu. Ndakakubudisai munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda.’ “Usave navamwe vamwari kunze kwangu. Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata chokuveza, kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika. Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo, ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina. Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena zviuru nezviuru zvavanhu vanondida vanochengeta mitemo yangu. “Usataure zita raTenzi Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo. “Chengeta zuva reSabata urierese sokuudzwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Kwamazuva matanhatu, shanda zvako uite basa rako rose. Asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi Mwari wako. Pazuva iroro usaite basa, iwe kana mwana wako mukomana, kana musikana, kunyange munhu anokushandira, murume kana mukadzi, kana nzombe yako, kana dhongi rako, kana chipfuwo chako chipi nechipi zvacho, kunyange muuyi agere nemi kuitira kuti munhu anokushandira murume kana mukadzi azororewo sewe. Rangarira kuti iwe waiva muranda munyika yeIjipiti, Tenzi Mwari wako akakubudisamo noukuru hwake nesimba rake guru. Naizvozvo Tenzi Mwari wako akakuudza kuti uchengete Sabata. “Remekedza baba vako namai vako, sezvawakaudzwa naTenzi Mwari wako, kuti mazuva ako awande zvigokunakira munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. Usauraye. Usaite upombwe. Usabe. Usapupurire mumwe nhema. Usachive mukadzi womumwe wako. Usachive imba yake, kana munda wake, kana munhu anomushandira murume kana mukadzi, kunyange nzombe yake, kana dhongi rake, kana chii zvacho chomumwe wako.” Mitemo iyoyi Tenzi akaitaura nezwi rake guru kugungano renyu rose ari mukati memoto negore riya rakanga rakasviba kuti ndoo, haana kuenderera mberi. Akainyora pamafendefa maviri emabwe, akandipa. “Imi pamakanzwa izwi richibva muzarima, iro gomo richinganduma moto imi navatungamiriri vamadzinza enyu navakuru vakuru venyu makauya kwandiri mukati, ‘Tarisai muone kuti Tenzi Mwari wedu aratidza mbiri yake noukuru hwake. Tanzwa izwi rake richibva mukati memoto, tikabva tazvionera nhasi kuti Mwari anogona kutaura nomunhu, munhu agokwanisa kuramba ari mupenyu. Zvino tofireiko? Moto mukuru iwoyu uchatiroromesa, kana tikazonzwazve izwi raTenzi Mwari wedu tinofa nokuti pavanhu vose zvavo ndianiko akambonzwa izwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto sezvatakaita akaramba ari mupenyu? Chiendai imi munotinzwira zvose zvinotaurwa naTenzi Mwari wedu. Zvose zvamunenge mataurirwa naTenzi Mwari wedu tiudzei, tizviteerere tigozviita.’ “Tenzi paakanzwa zvamakareva, akati kwandiri, ‘Zvataurwa navanhu ava ndazvinzwa. Zvavataura kwauri zvose zvakanaka, dai waro vakangoramba vane mwoyo wakadaro wokundiremekedza, nokuchengeta mitemo yangu zvinhu zvose zvingavanakire ivo navana vavo narini narini! Chienda undovaudza kuti vadzokere zvavo kumatendhe. Asi iwe sara kuno neni. Ndichakutaurira zvirevo nemitemo nemirao yose yauchavadzidzisa kuti vandoichengeta munyika yandiri kuvapa kuti ive yavo.’ “Zvino chenjererai kuita zvose zvamakaudzwa naTenzi Mwari wenyu, musingatsaudzire moita zvomusoro wenyu. Munofanira kutevedza zvose zvamakaudzwa naTenzi Mwari wenyu kuti murarame, zvikunakirei, mazuva enyu awande munyika iyoyo ichazova yenyu.
Dhuteronomi 5:1-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akaɗana ʋaIsraeri ʋose, akati kwaʋari: Inzwai ʋaIsraeri, ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, ɀandinotaura nhasi muciɀinzwa, kuti muɀidzidze nokuɀiceŋgeta mugoɀiita. Jehova Mŋari weɗu wakaita suŋgano nesu paHorebi. Jehova haana‐kuita suŋgano iyi namadziɓaɓa eɗu, asi nesu, isu tose tiri ʋapenyu nhasi pano. Jehova akataura nemi, ɀiso ɀakatarisana, ari mukati momŋoto, (Neŋguʋa iyo ini ndakaŋga ndimire pakati paJehova nemi, kuti ndikuziʋisei shoko raJehova; nokuti imi makaŋga mucitya nokuɗa kwomŋoto, mukasakwira mugomo;) akati: Ndini Jehova Mŋari wako, wakakuɓuɗisa munyika yeEgipita, muimba yoʋuranda. Usaʋa naʋamŋe ʋamŋari kunze kwaŋgu. Usaɀiitira mufananidzo wakaʋezwa, kana uri mufananidzo wecinhu ciri kuɗeŋga kumsoro, kana weciri panyika pasi, kana weciri mumvura pasi penyika. Usafugamira iɀoɀo, kana kuɀishumira; nokuti ini Jehova Mŋari wako, ndiri Mŋari unegoɗo; ndinoroʋa ʋana nokuɗa kweɀiʋi ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna rwaʋanondiʋeŋga; ndiciitira nyasha ʋaneɀuru ɀamazana ʋanondiɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yaŋgu. Usareʋa zita raJehova Mŋari wako pasina; nokuti Jehova haaŋgaregi kumupa mhoȿa unoreʋa zita rake pasina. Ceŋgeta zuʋa resaɓata, riʋe dɀene, seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako. Uɓate mazuʋa matanhatu, uite maɓasa ako ose. Asi zuʋa recinomŋe isaɓata raJehova Mŋari wako; usatoŋgoɓata maɓasa naro, iwe, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana ŋombe yako, kana mboŋgoro yako, kana cimŋe ceɀipfuwo ɀako, kana mŋeni wako uri mukati mamasuʋo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako ʋazorore sewe. Unofanira kuraŋgarira kuti newe ʋo waiʋa muranda panyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakuɓuɗisa necanza cinesimba noruʋoko rwakatambanudzwa; naiɀoɀo Jehova Mŋari wako wakakuraira kuti uceŋgete zuʋa resaɓata. Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako; kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako. Usaʋuraya. Ʋuye usaita ʋupombge. Ʋuye usaɓa. Ʋuye usapupurira wokwako nhema. Ʋuye usaciʋa mukadzi wowokwako; ʋuye usacocora imba yowokwako, kana munda wake, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana ŋombe yake, kana mboŋgoro yake, kana cimŋe cinhu cowokwako. Jehova wakataura mashoko awa ose pagomo kuʋuŋgano yenyu yose, ari mukati momŋoto negore, nokuȿiɓa kukuru, nenzwi guru; haana‐kuwedzera mamŋe. Akaanyora pamahwendefa maʋiri amabge, akandipa iwo. Ɀino imi makati mucinzwa inzwi ricibva mukati merima, negomo ricipfuta nomŋoto, mukasweɗera kwandiri, ʋakuru ʋose ʋamarudzi enyu, naʋakuru ʋenyu, mukati: Tarirai, Jehova Mŋari weɗu watiratidza kubginya kwake noʋukuru bgake, tikanzwa inzwi rake ricibva mumŋoto; taʋona heɗu nhasi kuti Mŋari uŋgataura nomunhu, akararama hake. Naiɀoɀo ɀino ticafireiko? Nokuti mŋoto uyu mukuru ucatiparadza; kana tikaramba ticinzwa inzwi raJehova Mŋari weɗu ticafa. Nokuti ndianiko pakati paʋanhu ʋose wakanzwa inzwi raMŋari mupenyu acitaura ari mumŋoto, sesu, akararama here? Sweɗera hako iwe, unzwe ɀose ɀicarebga naJehova Mŋari weɗu, ugozotiʋudza ɀose ɀaucaʋudzwa iwe naJehova Mŋari weɗu; ticaɀinzwa, nokuɀiita. Ɀino Jehova akanzwa inzwi ramashoko enyu, ŋguʋa yamakataura neni; Jehova akati kwandiri: Ndanzwa inzwi ramashoko aʋanhu aʋa, aʋakataura newe; ɀose ɀaʋakareʋa ʋakataura haʋo ɀakanaka. Ƌai ʋaiʋa nemŋoyo yakaɗai, ʋakanditya nokuceŋgeta mirairo yaŋgu ŋguʋa dzose, kuti ɀiʋe ɀakanaka naʋo, iʋo naʋana ʋaʋo, nokusiŋgaperi! Enda, undoti kwaʋari: Dzokerai kumatente enyu. Asi iwe, mira pano kwandiri, ndikuʋudze murairo wose, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀaunofanira kuʋadzidzisa, kuti ʋaɀiite panyika yandinoʋapa, kuti iʋe yaʋo. Naiɀoɀo cenjerai, kuti muite seɀamakarairwa naJehova Mŋari wenyu; musatsaukira kurutiʋi rworudyi kana rworuɓoshwe. Munofanira kufamba nenzira yose yamakarairwa naJehova Mŋari wenyu, kuti murarame, ɀiʋe ɀakanaka nemi, namazuʋa enyu aʋe mazhinji panyika iyo, icaʋa yenyu.
Dhuteronomi 5:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)