Dhuteronomi 5:1-17
Dhuteronomi 5:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akadana vaIsraeri vose, akati: Inzwai imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandinotaura muchinzwa nhasi. Idzidzei muchenjerere kuti muiteerere Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu paHorebhi. Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano. Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo. Panguva iyo ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi kuti ndizivise kwamuri shoko raJehovha, nokuti makanga muchitya moto mukasakwira mugomo. Uye iye akati: “Ndini Jehovha Mwari wako akakubudisa kubva munyika yeIjipiti, munyika youranda. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga, asi ndichiratidza rudo kune chiuru chemarudzi avanondida, vanochengeta mirayiro yangu. Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina, nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva ani naani anoreva zita rake pasina. Chengeta zuva reSabata rive dzvene, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako. Ubate basa mazuva matanhatu, nokuita basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Nomusi uyo usabata basa ripi zvaro, kunyange iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, uye murandarume kana murandakadzi wako, nenzombe yako kana mbongoro yako kana chimwe chezvipfuwo zvako, nomutorwa ari mukati mamasuo ako, kuitira kuti murandarume nomurandakadzi wako azorore sewe. Murangarire kuti imi maimbova varanda munyika yeIjipiti uye kuti Jehovha Mwari wenyu akakubudisai nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa. Naizvozvo Jehovha Mwari wako anokurayira kuti uchengete zuva reSabata. Kudza baba vako namai vako, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti mazuva ako ave mazhinji uye kuti zvigokuitira zvakanaka panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. Usauraya.
Dhuteronomi 5:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, “Inzwai vaIsiraeri, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinotaura nhasi muchizvinzwa, kuti muzvidzidze nokuzvichengeta mugozviita. Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu. Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri vapenyu nhasi pano. Jehovha akataura nemi, ziso zvakatarisana, ari mukati momoto, (nenguva iyo ini ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi, kuti ndikuzivisei shoko raJehovha; nokuti imi makanga muchitya nokuda kwomoto, mukasakwira mugomo;) akati, “Ndini Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu. “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga; ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu. “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kumupa mhosva unoreva zita rake pasina. “Chengeta zuva reSabata, rive dzvene, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako. Ubate basa mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose. Asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana mbongoro yako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako vazorore sewe. Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika yeIjipiti, Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva reSabata. “Kudza baba vako namai vako, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; kuti mazuva ako ave mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. “Usauraya.
Dhuteronomi 5:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akaunganidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Teererai munzwe imi vaIsiraeri mitemo nemirao yandava kutaura nhasi muchinzwa. Idzidzei munyatsoichengeta. Tenzi Mwari wedu akaita chitenderano nesu pagomo reHorebhu. Tenzi haana kuita chitenderano ichi namadzibaba edu chete, asi nesu tose iyesu vapenyu kudai ipo pano nhasi. Tenzi akataura nemi makatarisana naye uso nouso pagomo riya, iye ari mukati memoto. Panguva iyoyo ini ndaiva munyai pakati penyu naTenzi, ndichikuzivisai shoko raTenzi nokuti imi maitya. Maitya nokuda kwemoto, saka musina kukwira mugomo. “Tenzi akati, ‘Ndini Tenzi Mwari wenyu. Ndakakubudisai munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda.’ “Usave navamwe vamwari kunze kwangu. Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata chokuveza, kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika. Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo, ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina. Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena zviuru nezviuru zvavanhu vanondida vanochengeta mitemo yangu. “Usataure zita raTenzi Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo. “Chengeta zuva reSabata urierese sokuudzwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Kwamazuva matanhatu, shanda zvako uite basa rako rose. Asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi Mwari wako. Pazuva iroro usaite basa, iwe kana mwana wako mukomana, kana musikana, kunyange munhu anokushandira, murume kana mukadzi, kana nzombe yako, kana dhongi rako, kana chipfuwo chako chipi nechipi zvacho, kunyange muuyi agere nemi kuitira kuti munhu anokushandira murume kana mukadzi azororewo sewe. Rangarira kuti iwe waiva muranda munyika yeIjipiti, Tenzi Mwari wako akakubudisamo noukuru hwake nesimba rake guru. Naizvozvo Tenzi Mwari wako akakuudza kuti uchengete Sabata. “Remekedza baba vako namai vako, sezvawakaudzwa naTenzi Mwari wako, kuti mazuva ako awande zvigokunakira munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. Usauraye.
Dhuteronomi 5:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akaɗana ʋaIsraeri ʋose, akati kwaʋari: Inzwai ʋaIsraeri, ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, ɀandinotaura nhasi muciɀinzwa, kuti muɀidzidze nokuɀiceŋgeta mugoɀiita. Jehova Mŋari weɗu wakaita suŋgano nesu paHorebi. Jehova haana‐kuita suŋgano iyi namadziɓaɓa eɗu, asi nesu, isu tose tiri ʋapenyu nhasi pano. Jehova akataura nemi, ɀiso ɀakatarisana, ari mukati momŋoto, (Neŋguʋa iyo ini ndakaŋga ndimire pakati paJehova nemi, kuti ndikuziʋisei shoko raJehova; nokuti imi makaŋga mucitya nokuɗa kwomŋoto, mukasakwira mugomo;) akati: Ndini Jehova Mŋari wako, wakakuɓuɗisa munyika yeEgipita, muimba yoʋuranda. Usaʋa naʋamŋe ʋamŋari kunze kwaŋgu. Usaɀiitira mufananidzo wakaʋezwa, kana uri mufananidzo wecinhu ciri kuɗeŋga kumsoro, kana weciri panyika pasi, kana weciri mumvura pasi penyika. Usafugamira iɀoɀo, kana kuɀishumira; nokuti ini Jehova Mŋari wako, ndiri Mŋari unegoɗo; ndinoroʋa ʋana nokuɗa kweɀiʋi ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna rwaʋanondiʋeŋga; ndiciitira nyasha ʋaneɀuru ɀamazana ʋanondiɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yaŋgu. Usareʋa zita raJehova Mŋari wako pasina; nokuti Jehova haaŋgaregi kumupa mhoȿa unoreʋa zita rake pasina. Ceŋgeta zuʋa resaɓata, riʋe dɀene, seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako. Uɓate mazuʋa matanhatu, uite maɓasa ako ose. Asi zuʋa recinomŋe isaɓata raJehova Mŋari wako; usatoŋgoɓata maɓasa naro, iwe, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana ŋombe yako, kana mboŋgoro yako, kana cimŋe ceɀipfuwo ɀako, kana mŋeni wako uri mukati mamasuʋo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako ʋazorore sewe. Unofanira kuraŋgarira kuti newe ʋo waiʋa muranda panyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakuɓuɗisa necanza cinesimba noruʋoko rwakatambanudzwa; naiɀoɀo Jehova Mŋari wako wakakuraira kuti uceŋgete zuʋa resaɓata. Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako; kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako. Usaʋuraya.
Dhuteronomi 5:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)