Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 29:6-7 - Compare All Versions

Dhuteronomi 29:6-7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 29 BDSC

Dhuteronomi 29:6-7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Hamuna kudya chingwa, kana kunwa waini nezvinobata; kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Zvino makati muchisvika panzvimbo ino, Sihoni, mambo weHeshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, vakauya kuzorwa nesu, tikavakunda

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 29 SNA2002

Dhuteronomi 29:6-7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Hamuna kumbodya chingwa kana kumbonwa waini kana doro, kuti muzive kuti ndini Tenzi Mwari wenyu. Pamakasvika muno Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgu mambo weBhashani, vakativinga kuzotirwisa, tikavakurira.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 29 SCLBD

Dhuteronomi 29:6-7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Hamunakudya ciŋgwa, kana kunwa waini neɀinoɓata; kuti muziʋe kuti ndini Jehova Mŋari wenyu. Ɀino makati muciȿika panɀimbo ino, Sihoni, mambo weHeshboni, naOgi, mambo weBashani, ʋakaʋuya kuzorwa nesu, tikaʋakunda

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 29 SUB1949

Dhuteronomi 29:6-7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Hamuna kumbodya chingwa kana kumbonwa waini kana doro, kuti muzive kuti ndini Tenzi Mwari wenyu. Pamakasvika muno Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgu mambo weBhashani, vakativinga kuzotirwisa, tikavakurira.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 29 SCLB