Dhuteronomi 29:18
Dhuteronomi 29:18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro.
Dhuteronomi 29:18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vano mwoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava
Dhuteronomi 29:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chichenjerai kuti nhasi uno, pakati penyu pangadaro pakava nedzinza kana mhuri, kunyange murume kana mukadzi anoita mwoyo wokufuratira Tenzi Mwari wedu achindonamata vamwari vendudzi idzodzo. Pakati penyu pangadaro pakava nomudzi unobereka muchero womuchetura unovava unouraya.
Dhuteronomi 29:18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti pakati penyu parege kuʋa nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, ʋanomŋoyo unotsauka kunaJehova Mŋari weɗu nhasi, kuti ʋandoshumira ʋamŋari ʋendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuʋa nomudzi unoɓereka ɀinoʋuraya negaʋakaʋa
Dhuteronomi 29:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)