Dhuteronomi 21:6-8
Dhuteronomi 21:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakuru vose veguta riri pedyo nechitunha vanofanira kushamba maoko avo pamusoro petsiru rakavhunwa mutsipa mumupata. Ipapo vanofanira kuti, “Maoko edu haana kudeura ropa iri, uye kana meso edu haana kuona zvichiitwa. Gamuchirai henyu yananiso yavanhu venyu vaIsraeri, vamakadzikinura, imi Jehovha, uye musabata vanhu venyu nemhosva yokuteura ropa romunhu asina mhaka.” Zvino kuteurwa kweropa kuchayananisirwa.
Dhuteronomi 21:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
zvino vakuru vose veguta iro riri pedyo nomunhu wakaurawa vanofanira kushamba maoko avo pamusoro petsiru rakavhuniwa mutsipa waro pamupata, vagopindura, vachiti, ‘Maoko edu haana kuteura ropa iro, nameso edu haana kuriona. Imi Jehovha kanganwirai henyu vanhu venyu vaIsiraeri, vamakadzikinura; musatendera kuti ropa risine mhosva rigare pakati pavanhu venyu vaIsiraeri.’ Ipapo vachakanganwirwa ropa iro.
Dhuteronomi 21:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo vakuru vakuru vose vomuguta riri pedyo nepakaurayirwa munhu iyeyo ngavashambire maoko avo pamusoro petsiru riya rinenge ratyorwa mutsipa mubani vachiti, ‘Isu hatizisu takadeura ropa iri, uye isu kana nameso edu kuriona richideurwa. Tenziwe-e, regereraiwo vanhu venyu vaIsiraeri vamakanunura. Musape vanhu venyu vaIsiraeri mhosva yokudeura ropa romunhu asina mhaka.’ Mhosva yokudeura ropa romunhu ngairege kuva pavari.
Dhuteronomi 21:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ɀino ʋakuru ʋose ʋeguta iro riri pedyo nomunhu wakaʋurawa ʋanofanira kushamba maʋoko aʋo pamsoro petsiru rakavuniwa mutsipa waro pamupata, ʋagopindura, ʋaciti: Maʋoko eɗu haana‐kuteʋura ropa iro, nameso eɗu haana‐kuriʋona. Imi Jehova, kaŋganwirai henyu ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋamakadzikinura; musatendera kuti ropa risinemhoȿa rigare pakati paʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri. Ipapo ʋacakaŋganwirwa ropa iro.
Dhuteronomi 21:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)